Masangano emakereke muZimbabwe ari kuramba mashoko ekuti ari kushandiswa nedzimwe nyika mukukonzera kusagadzikana munyika nechinangwa chekuda kubvisa hurumende pachigaro.
Mutauriri wemasangano aya uye varizve mutauriri weZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vanoti basa revemakereke harisi rekusarudzira vanhu mutungamiriri asi kuti ndere kuedza kuti vanhu vagare pasi vachitaurirana zvinhu zvinoita kuti nyika ibudirire kunyange vasingawirirane pane zvese.
Your browser doesn’t support HTML5
Zvichakadaro, vanhu vakawanda muZimbabwe vanoti vane tarisiro yekuti bato riri kutonga reZanu-PF richaita hurukuro dzekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyika nemapato anopikisa.
Chimwe chezvinhu zviri kukonzera kusawirirana pakati peZanu-PF neMDC inyaya yekuti Zanu PF inoda kuti MDC itange yabvuma kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo mutungamiriri wenyika ari pamutemo, izvo zviri kurambwa neMDC.
Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti dzimwe dzenyaya dzinoda kutaurwa neMDC muhurukuro idzi dzinosanganisira nyaya yekuti akakunda musarudzo yemutungamiri ndiani, mamiriro ezvehupfumi hwenyika uye kuti mapurisa nemasoja asaita zvematongerwo enyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Ukuwo nhengo yeZanu-PF muAmerica, Doctor Frenki Guni, vanoti hazvigone kuti VaMnangagwa vamboisa pasi hutungamiriri hwenyika kuitira kuti paitwe hurukuro.
VaGuni vanoti, naizvozvo, MDC inofanira kuziva kuti iri kuita hurukuro nemutungamiriri wenyika kwete mutungamiriri webato chete.
Your browser doesn’t support HTML5