Zimbabwe Council of Churches inoti Icharamba Ichirwira Nhaurirano dzeMapato neHurumende

Nhengo dzemubatanidzwa weZimbabwe Council Of Churches dzichinamatira nyika nevemapato ezvematongerwo enyika.

Sangano remubatanidzwa wemakereke, reZimbabwe Council of Churches, rinoti richaramba richiedza kusanganisa vatungamiriri vemapato ezvematongerwo enyika anopikisa nevehurumende kuti pave nemushandirapamwe.

Munyori mukuru weZCC, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza studio 7 kuti vanhu veZimbabwe vanofanira kuratidza chido chekugadzirisa zvinhu zvinonetsa munyika pachinhambo chekuratidza kusawirirana nekuzvidzana nguva zhinji.

Vanoti kuti zvinhu zvifambe nenzira iri nani munyika panofanirwa kugarwa pasi nemapoka ose ane chekuita nenduramo yevanhu, vachiti izvi zvinofanirwa kuitika gore risati rapera, asi vachiti havasati vave neruzivo kuti ndavanaani vachagumisira vagara patafura kuti vataudzane.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata