CHINHOYI —
Nhengo gumi nembiri dzebato reCitizens Coalition for
Change-CCC dzanga dziri mudare redzimhosva dzakawanikwa dzisina mhosva nedare ramejasitireti neChishanu muChinhoyi.Nhengo idzi dzakasungwa mushure mekuungana pamahofisi adzo gore rapera dzichiri kubato reMDC Alliance dzichipomerwa mhosva yekutyora mutemo weCovid-19 unorambidza kuungana.
Asi nhengo idzi dzairamba mhosva iyi dzichiti dzainge dzaenda kumahofisi adzo kuzonoronga nezverufu rweimwe nhengo yadzo yainge yashaya. Vachipa mutongo wavo mutongi wedare Muzvare Tamara Chidindi vakawirirana negweta renhengo idzi VaMurisi kuti mapurisa haana kuyambira nhengo idzi kuti dzibve pamahofisi adzo dai vakafungidzira kuti vainge vari pamusangano sezvinokurudzirwa nemutemo. Mumwe wenhengo idzi uye vari sachigaro weCCC mudunhu reMashonaland West, VaRalph Magunje vanoti vanofara nekuchenurwa nematare sezvo vainge vasina mhosva. VaMagunje vanoti ivo nevamwe vavo vainge vasina mhosva asi kungoti hurumende iri kuitira hutsinye mapato anopikisa kuti vasasangane nevanhu ichishandisa mutemo weCovid-19. VaMagunje vanoti havasi kuzodzokera kumashure nekurwira shanduko munyika. Mune imwe nyaya yanga iri mumatare edzimhosva, dare repamusoro reHigh Court rakabvuma kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nevaive mudzimai wavo avari kunetsana naye Amai Marry Mubaiwa havachisina kuroorana sezvo vakapanana gupuro muna 2019. Vachipa mutongo wavo nemusi weChina, Justice Owen Tagu vakati gupuro remadhora zana ekuAmerica rakapiwa Muzvare Mubaiwa rakadimura muchato wevaviri ava zviri pamutemo patsika yechivanhu. VaChiwenga naMuzvare Mubaiwa vane nyaya dziri pamberi pematare dzinosanganisira dzekuti Muzvare Mubaiwa vaida kuuraya VaChiwenga apo vairwara vari kunyika yeSouth Africa kwavairapwa. VaTagu vakati dzimwe nyaya dzakaita sekuti pfuma ichagovanwa sei, ndiyani achagara nevana pamwe nekuchengetwa kwavo zvichazobuda pakutongwa kwenyaya iyi. Asi gweta raMuzvare Mubayiwa, Amai Beatrice Mtetwa vakakwidza nyaya yekuti Muzvare Mubayiwa havafanirwe kutombotongwa sezvo pasina mhosva yavakapara. NeChishanu vanga vari kumatare edzimhosva zvakare pakanga pachifanirwa kupihwa mutongo wekuti Muzvare Mubaiwa vane mhosva here dzavanofanirwa kupindura mudare kana kuti kwete. Asi patataura na Amai Mtetwa, vati vange vakamirira mutongi wedare kubva masikati kuti ature mutongo. Rimwe gweta rakaramba kuzivikanwa nezita rinoti mutongo wegupuro hauneyi nedzimwe nyaya dzichapinda mudare dzakafanana nekugovanwa kwepfuma. Nyaya yekurambana kwevaviri ava yaunza mutauro munyika vamwe vachiti hazvipe chimiro chakanaka pavatungamiri venyika asi vamwe vachiti nyaya dzerudo dzinonetsa sezvo vaviri vachizivana zvavakaitirana kwete zvavanozotaura pachena.Your browser doesn’t support HTML5