Hurumende Yoita Musangano Wechimbichimbi Wekuedza Kumisa Kuramwa Mabasa kweVarairidzi

  • Jonga Kandemiiri
    Blessing Zulu

Va Raymond Majongwe, munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe. (Sebastian Mhofu/ VOA)

Hurumende inonzi yamanikidzwa kushevedzera musangano wechimbichimbi wekuedza kugadzirisa zvinhu, sezvo vashandi vayo vasisina kugadzikana.

Chikwata chehurumende chakasimba chinonzi chiri kutarisirwa kusangana nevamiriri vemasangano evashandi vehurumende pamusangano uri kutarisirwa kuzeya nezvemihoro pamwe nemashandiro evashandi ava vasati vatora matanho ekuramwa mabasa sezviri kuitwa navanachiremba.

Chikwata chehurumende chakasimba chinonzi chiri kutarisirwa kusangana nevamiriri vemasangano evashandi vehurumende pamusangano uri kutarisirwa kuzeya nezvemihoro pamwe nemashandiro evashandi vehurumende.

Musangano wakakosha uyu unouya panguva iyo masangano evarairidzi akawanda azivisa kuti nhengo dzawo hadzisi kuzokwanisa kudzokera kumabasa panovhurwa zvikoro neChipiri, achiti hadzina mari dzekufambisa.

Chikwata chehurumende chiri kutarisirwa kupinda mumusangano uyu chinonzi chinosanganisira gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Sekai Nzenza, gurukota rezvedzidzo yepasi, Muzvinafundo Paul Mavima, gurukota rezvedzidzo yepamusorosoro, Muzvinafundo Amon Murwira, pamwechete nasachigaro veCivil Service Commission, Doctor Vincent Hungwe.

Munyori musangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti nhengo dzavo pari zvino dzakamirira kunzwa zvichabuda mumusangano uyu, kunyange hazvo dzisiri kukwanisawo kuenda kumabasa nekuda kwekushaiwa mari.

VaMajongwe vanoti nekuda kwedambudziko rechekufambisa, nhengo dzavo dzichange dzichienda kumabasa kwemazuva maviri chete pasvondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe

Sachigaro verimwe sangano revarairidzi, reZimta, VaRichard Gundani, vanotiwo ruzhinji rwevarairidzi rwuchakundikana kuenda kumabasa nekuda kwekuti vakapedza mari shoma yavakatambiriswa mwedzi wapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani

Mutungamiri werimwe sangano revaraidzi, reProfessional Educators Union of Zimbabwe, VaWilson Makanyaire vanotiwo sangano ravo rakatosunga kuti nhengo dzaro hadzisi kuenda kubasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo gumi zvavakasvitsa kuhurumende.

Masangano ose evarairidzi aya ari kuti achapa nhaurirano idzi mukana wekuti zvinetswa zvavo zvigadziriswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWilson Makanyaire

Varairidzi vanoti mari dzavari kutambira hadzisi kuvakwanira sezvo vachipihwa mari dzemaRTGS dzisina simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.