Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti vari kurasikirwa nemari yakwanda sezvo maForeign Currency Accounts (FCA) avakavhuriswa neReserve Bank of Zimbabwe asingakwanise kuti vatumire mari yekunze kune mamwe mabhanga mukati menyika, vachiti mari iyi inosvika yave mabhondi notsi.
RBZ yakaudza mabhanga ese munyika kuti apatsanure maAccounts evanhu vese kuitira kuti pave neNostro FCA iyo inopinda mari yekunze, neRealtime Gross Settlement kana kuti RTGS FCA NOSTRO, inoshandisa mabhondi.
Asi vanhu vanoti ukatumira mari yekunze kubva kuNostro FCA kuenda kune imwe Nostro FCA kune rimwe bhanga, mari iyi inosvika yave maBondi Notes.
Mumwe wevanhu ava ndemumwe mudzimai ati anonzi Amai Shumba avo vanoti havana kupihwa tsanangudzo inogutsa apo mari yavakatumirwa nemwana wavo kubva mubhanga rake achishandisa Nostro FCA yakasvika yave mabhondi.
Vanhu vakawanda kusanganisira nhengo dzeparamende vanotiwo havazivi kuti sei izvi zviri kuitika kana RBZ ichiti pave nema Accounts anoshandisa mari yekunze chete.
Vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti zviri pachena kuti vanhu vari kurasikirwa nemari dzavo nekutikuti RBZ yakaisa mutemo isina kuita gadziriro yakakwana.
Mumwe mukuru mune rimwe bhanga uyo aramba kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau audza Studio7 kuti izvi zviri kuitika nekuti pari zvino hapana hwaro hwekuti mari yekunze ibve kune rimwe bhanga ichienda kurimwe ichisvika yakadaro.
Ati pane vanhu vakawanda vari kuuya kubhanga ravo vachichema uye vari kudzorera mari kwadzinenge dzabva kune vaya vanenge vasingade kutambira mabhondi notes.
Gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vanoti vanoziva nezvedambudziko iri uye bhanga ravo riri kugadzirisa dambudziko iri.
Vanoti bhanga ravo rave nehurongwa hweDomestic Inter Bank Nostro FCA Settlement System uhwo huchaita kuti mari inenge yabva kune rimwe banga ari madhora ekuAmerica, isvike kune rimwe bhanga ari madhora ekuAmerica izvo zvisiri kuitika pari zvino.
VaMangudya vanoti vakaita izvi mushure mekuteerera zvichemo zvakabva kune veruzhinji, mizinda inomirira nyika muno pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.
VaMangudya vanoti hurongwa uhwu hunotarisirwa kutanga kushanda mukati memasvondo maviri ari kutevera