Chikwata chenhumwa dzinobva kusangano reCommonwealth chiri muZimbabwe kuita hurukuro nokuwongorora mamiriro akaita zvinhu munyika sechimwe chezvinhano zvina zvinofanirwa kuitwa kuti Zimbabwe igotambirwa kuti idzokere musangano iri.
NeMuvhuro chikwata ichi, icho chinotungamirirwa naMuzvare Yvonne Apea Mensah, chakaita hurukuro negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Sibusiso Moyo.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti chikwata cheCommonwealth ichi chiri kuda kuona kana Zimbabwe ine chido chekudzoka muCommonwealth zvechokwadi here uye kana ichikudza mitemo yayo.
VaParadza vanoti zvimwe zvinoda kuonekwa nechikwata ichi ndezvekuti Zimbabwe inoremekedza kodzero dzevanhu here uye kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kugarisana zvakanaka here nemapato anoipikisa.
Your browser doesn’t support HTML5