Kurambidzwa Kushanda kweMakombi Kwokonzera Dambudziko reChekufambisa Kune Veruzhinji

  • Jonga Kandemiiri

Vemakombi vanonzi nehurumende vanofanirwa kuenda pasi peZUPCO kuti vabvumidzwe kutakura vanhu.

Kurambidzwa kushanda kwemakombi nemabhazi asiri pasi pekambani yemabhazi yeZUPCO kwokonzera matambudziko ekushaikwa kwechekufambisa, izvo zvave kuita kuti vanhu vaungane munzvimbo dzinokwirirwa michovha panguva iyo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika.

Vanhu vakawanda vanonzi vari kutambura kushaya chekufambisa, zvikuru munguva dzemanheru, izvo zviri kuita kuti vatsikirirane kana vopinda mumabhazi mashoma anenge awanikwa.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidza vemakombi kutakura vanhu munguva ino yechirwere cheCovid-19 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere, ichi, ichiti mabhazi anenge ari pasi peZUPCO ndiwo chete anobvumidzwa kutakura vanhu.

Asi vamwe vemabhazi nemakombi vanonzi havasi kuzvipira kuenda pasi pehurongwa uhwu nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana zvinosanganisira kunonoka kubhadharwa neZUPCO.

NeMuvhuro, vemabhazi vakazvimirira ava vanonzi vakaita musangano nevakuru vekambani yeZUPCO kuti vaedze kuwirirana panyunyuto dzavanadzo, dzinosanganisira dzekunonoka kubhadharwa kana mabhazi avo ashanda.

NeChipiri vemabhazi ava vanga vachitarisirwa kusanganawo nevehurumende kuti vagadzirisane.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuZUPCO kuti pane hurongwa hupi hwekugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwechekufambisa iri.

Asi mukuru werimwe sangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudziko rezvekufambisa iri nekukasika zvinhu zvisati zvaita manyama amire nerongo.

VaShumba vanoti hurumende inofanirwa kuisa mapurisa, mauto kana mapurisa ekanzuru panzvimbo dzinokwirirwa mabhazi idzi kuitira kuti vasimbise mutemo wekuti vanhu vachengetedze nhanho dzekuti vasatapurirane zvirwere.

Vanotiwo vezvehutano vanofanirwa kunge vachitendererawo munzvimbo dzinokwirirwa mabhazi vachivhenekawo vanhu kuona kuti havana hutachiwana kana chirwere cheCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrecious Shumba