Paramende yapedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rekuumba bazi richabatsira vemabhizimisi kusima mari dzavo munyika, reZimbabwe Investment and Development Agency Bill, veruzhinji vachiti bazi iri rinofanira kupa mikana yakafanana kune vemabhizimisi vemuno nekunze pamwe nekuti makambani ese ekunze anofanira kupa zvimwe zvikamu zvawo kuzvizvarwa zvemuZimbabwe.
Vanhu vakapinda mimisangano yange yakarongwa nemakomiti eparamende anoona nezvemabhizimisi nemaindusitiri pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika mumatunhu akawanda munyika vakati zvakakosha kuti pave nebazi rehurumende reZimbabwe Investment and Development Agency kana kuti ZIDA.
Asi vanoti bazi iri harifaniri kuve pasi pemakurukota ehurumende vachiti ane huwori uye ndiwo anotadzisa vekunze kuzosima mari yavo munyika.
Vakatiwo zvakakosha kuti vanoshanda mubazi iri varemekedze vanouya kuzosima mari munyika vachiti pari zvino vashandi vazhinji muhurumende nebazi reZimbabwe Investment Centre vanobata vemabhizimisi neseri kweruoko zvinoita kuti vapedzesere vaenda kune dzimwe nyika.
Vamwe vakapinda mumusangano wemuHarare, VaPaddington Japajapa, vesangano reZimbabwe Confederation of Equal Opportunities, vanoti ZIDA inofanirawo kupa mukana wakaenzana kune vemabhizimisi vemuno vachiti zviri kuitwa nehurumende zvekuti Zimbabwe Is Open for Business zvinenge zvino kurudzira vekunze chete.
VaJapajapa vanoti makambani anochera zvicherwa zvikuru sei anobva kuChina ari kurapadza nharaunda dzaanoshandira vanogara munharaunda idzi vasina chavanowana.
Vanoti nekuda kwaizvozvo panofanira kuita mubatanidzwa nemakambani aya kuti vanhu vemuno vabatsirikane kubva pazviwanikwa zvemuno.
Muzvina bhizimisi, Philip Chabata, vanoti zvakakosha kuti vanhu vemuno vapihwewo zvimwe zvikamu zvemakambani ekunze anenge auya kuzoshandira muno kuti vasarambe vari vashandi chete.
Asi VaChabata vanoti vanhu vekunze vanofanira kupihwa mukana wekuramba vaine zvikamu zvakawanda zvemakambani avo sezvo variiwo vanenge vauya nemari.
Vange vachitungamira chimwe chikwata chainzwa pfungwa dzevanhu kumatunhu eManicaland, Mashonaland Central, Mashonaland East neHarare, VaJoshua Sacco, vaudza Studio7 kuti vanhu vakawanda munyika vanoshushikana kuti zvinotora nguva kuti kana munhu achida kusima mari anofamba kumapazi akawanda ehurumende uye zvichabatsira zvakanyanya kana bhiri iri rikave mutemo.
VaSacco vanoti chasara kuti makomiti avo azeye zvakabuda mumisangano yese votura gwaro ravo kuparamende nekugurukota rinoona nezvemabhizimisi nemaindasitiri, VaMangaliso Ndhlovu.
VaNdhlovu vanotarisirwa kupinzawo zvimwe zvabva kuvanhu bhiri iri risati rapasiswa neparamende kuti rive mutemo.
Your browser doesn’t support HTML5