Makereke Okurudzira Nhaurirano Pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.

Reverend Doctor Kenneth Mtata

Sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, rinoti vanhu vane kodzero yekuratidzira pese pavanenge vachida sezviri mubumbiro remutemo.

Munyori wesangano iri, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vanoti kunyange hazvo vanhu vane kodzero iyi, vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vanosungirwa kugara pasi kuti vatenderane gwara rinofanirwa kutorwa nenyika.

“Kuratidzira kwega hakugadzirisi zvinonetsa,” Doctor Mtata vaudza Studio 7. Vanoenderera mberi vachiti, “Vatungamiriri vemapato ese vanofanirwa kugara pasi vachikurukura nekupana mazano ekuti nyika ingaenda mberi sei.”

Vanoti sangano ravo harina kuora moyo asi richiri kukuridzira kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, vagare pasi varonge, vachitenderana kuti nyika yofamba yakatarisepi.

Vawedzera kuti mamiriro akaita zvinhu munyika haana kunaka uye kugadzirisa zvinhu kunoda kuti vanhu vashande pamwe chete kuti nyika isimuke zvekare.

“Kuramba kwevatungamiri vachipomerana mhosva hazvitibatsiri. Vanhu var ikutambura munyika. Zvave kuda kuti vanhu vese vaise maoko pabadza vachishanda vese kuti nyika ibude mumadhaka mairi.”

Reverend Mtata vanoti kuratidzira kwose kunoda kuitwa murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata