Vemakereke Vanokurudzira Hurumende Kutaura Chokwadi Pamusoro peCoronavirus

Reverend Kenneth Mtata

Sangano remakereke munyika, reZimbabwe Council of Churches (ZCC) riri kurudzira hurumende kuti igare ichipa vanhu ruzivo pamusoro pechirwere che ‘coronavirus’, kana kuti covid-19, richiti pane zvakawanda zvisiri zvechokwadi zvinotaurwa nevanhu naizvozvo hurumende inosungirwa kugara ichiudza vanhu zvese zvirikuitika kuti vanhu vasavhunduswa nezvinhu zvisiri zvechokwadi. Munyori mukuru weZCC, Mufundisi Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti vemakereke vanofanirwa kubatsira munyaya iyi nekuudza vatendi vavo zvinhu zvemanyepo zvirikutaurwa nevanhu, zvikuru sei pa ‘social media’.

Mufundisi Mtata vati hachisi chokwadi kuti chirwere ichi chakatumwa naMwari kuzotsiva kunyika dzakatemera zvirango pavamwe vakuru vehurumende yeZimbabwe nemamwe makambani avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata