Matare Oramba Akaomesera Madzimai Matatu eMDC Alliance

Dare ramajisitiri raramba kutambira chikumbiro chekuti rirerutse maBail Conditions enhengo dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa sezvo vachuchusi vari kutadzakupa vatatu ava zuva rekuti nyaya yavo ichatongwa rini.

Vatatu ava, avo vanoti vakapambwa nevanhu vasati vave kuzvikanwa vakanosiiswa kwaMupondwa kuBindura muna Chivabvu, vari kupomerwa mhosva yekunyepa kuti vakapambwa, kubatwa chibharo nekushungurudzwa.

Vatatu ava vakazosungwa nemapurisa mushure mekuwanikwa kwavo vakabhadhariswa mari yechibatiso zviuru gumi zvemadhora emuno pamunhu, vakanzi vamhan’are kumapurisa katatu pasvondo.

Zvichitevera kutadza kuvapa zuva rekutongwa kwenyaya yavo sekuvimbiswa kwange kwakaitwa nevachuchusi, magwata avo akumbira dare kuti rirerutse maBail Conditions avo izvo zvaramba nedare.

Rimwe remwagweta evatatu ava, VaObey Shava, vaudza Studio7 kuti dare rati maBail Conditions aripo anokodzera.

VaShava vati vachataura nevatatu ava kuti vokwidza chikumbiro ichi kudare repamusoro here kana kuti kwete.

Dare repamusoro ndiro rakavapa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge dare ramajisitireti raramba.

Nyaya iyi ichadzoka kudare zvakare musi wa13 Nyamavhuvhu.

Mune imwewo nyaya, komiti inotungamira mabasa eparamnende yeStanding Rules and Orders Committee, yaita bvunzo dzekutsvaga vanhu vachadomwa kuve nhengo dzekomisheni yeZimbabwe Media Commission.

Vanhu gumi nevasere vapinda mubvunzo uye pavanhu gumi ava panga paine madzimai mashanu.

Vamwe vapinda mubvunzo idzi vanosanganisira sachigaro weEnglish Department paUniversity of Zimbabwe Professor Ruby Magosvongwe, mukuru wekambani yeAB Communications, Amai Susan Makore, vashandi veZimbabwe Broadcasting Corporation, Omphile Marupi, Mqhle Tshuma, Dr Philip Pasirayi, pamwe nevarairidzi vezvidzidzo zvenhau paGreat Zimbabwe University, VaJasper Maphosa naVaTichaona Zinhumwe.

Komiti yeparamende ichabuda nemazita gumi nemaviri aichaendesa kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vadome vanhu vasere vachapinda muZimbabwe Media Commission.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti zvaitwa izvi zvichaunza komisheni nekukasika kuti ivandudze mashandiro evatapi venhau nemabasa avo munyika.

Pave nemakore akati kuti bhodhi reZMC risina makomishina izvo zvange zvave kunganisa mabasa ekutapwa kwenhau munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya