Dzidziso Pamusoro peCovid-19 Yokurudzirwa Kunyange Huwandu hweVari Kubatwa neChirwere ichi Huri Kuderera

  • Jonga Kandemiiri

Nyanzvi dzehutano dziri kukurudzira kuti vanhu varambe vachiwaniswa dzidziso kunyange huwandu hwevari kubatwa neCovid-19 huri kudzikira.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu gumi nevaviri, kana kuti 12, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19, uyeWO hakuna munhu akafa nechirwere ichi.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva pachatanga hwasvika pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mashanu ane makumi manomwe nevaviri, kana kuti 38 572.

Vanhu vafa vakaramba vari pachiuru chimwe nemazana mashanu ane makumi masere nevaviri, kana kuti 1 582.

Bazi iri rakatiwo vanhu zviuru gumi nezana nemakumi mapfumbamwe nevatatu, kana kuti 10 193, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, kuchitiwo zviuru zvinomwe nezana negumi nevasere, kana kuti 7 118, vachibaiwa nhomba yepiri.

Huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba nyika yose hwakasvika pazviuru mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nechimwe nemazana matanhatu ane gumi nevasere, kana kuti 591 808.

Mukuru wesangano rezvehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa vaine Covid-19 huri kuramba huchiderera uyewo pasina vari kufa, nyaya yedzidziso pamusoro penhomba nekuvhenekwa chirwere ichi zvinofanirwa kuramba zvichiendeswa kune veruzhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike