Kubaiwa kweNhomba Munyika Kuri Kuitwa Zvisina Mutsindo

Masvingo Covid-19

Chirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira Covid-19 kuvashandi vezvehutano mudunhu reMasvingo chapinda muzuva retatu, bazi rehutano richiti huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba huri kuwedzera kunyange hazvo risina kupa huwandu hwacho.

Mukuru webazi rehutano muMasvingo, Dr Amedus Shamu, vati kunyange hazvo chirongwa ichi chakatanga zvishoma nemusi weMuvhuro, vashandi vakazobaiwa nhomba iyi nezuro nanhasi vawedzera.

Dr Shamu vaudza Studio 7 kuti musi wekutanga vashandi vazhinji vaisagutsikana nenhomba iyi asi mushure mekutsanangurirwa, vazhinji vave kubaiwa.

Kunyange hazvo Dr Shamu vati hofisi yavo haisati yapuwa huwandu hwevashandi vose vabaiwa pari zvino sezvo vashandi vavo vakabuda vachipinda muzvipatara zvemumaruwa, vanotarisira kubaya vashandi chiuru gumi nechimwe mudunhu rose pamazuva gumi.

Asi vamwe vashandi vataura neStudio7 vati vashandi vemubazi rezvehutano vakawanda vari kuramba kubaiwa nhomba iyi, iyo yakabva kuChina.

Vashandi vepachipatara cheMasvingo General Hospital vari kubaya vanhu nhomba vange vari pachipatara cheMushagashe neSummetone nhasi.

Chipatara ichi chiri kunze kwedhoroba reMasvingo uko kwabaiwa vanhu vashoma vasingapfuuri gumi.

Mumwe mushandi aramba kudomwa nezita rake paMushagashi audza Studio 7 kuti haasati ave nechivimbo chekuti nhomba iyi yakanaka.

Vashandi vabaiwa nhasi varamba kutaura neStudo 7 iyo yatumirwa mapurisa kuti ibve pavange vachibairwa nhomba.

Mutauriri weCovid-19 Taskforce muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vati havasati vave nehuwandu hwevanhu vabaiwa nhomba pamazuva matatu asi musi wekutanga chete vashandi vakabaiwa mudunhu rose vakasvika zana nemakumi matanhatu nevasere.

Vanhu vakawanda munyika vari kutyira nhomba iyi, asi Dr Shamu vakurudzira kuti vanhu ava vabaiwe vachiti nhomba iyi yakanaka sezvo yakatendedza nebazi rezveutano pamwe neWorld Health Organisation.

Dunhu reMasvingo rakapiwa nhoma yevanhu zviuru makumi maviri nezviviri(22 000) kunyange hazvo iyo iri kuda kubaya vashandi zviurugumi nemumwe(11 000) pachirongwa chekutanga chiri kuitwa mumazuva gumi.

Nezuro vanhu vakange vabaiwa nhomba munyika yose vanosvika zviuri zvina nemakumi mana nemumwe chete, (4041)

Nezuro vanhumakumi mana nevasere vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika mose, vanomwe vakashaya.

Nyika pari zvino yave nevanhu zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mapfumbamwe negumi vabatwa nechirwere ichi, (35 910), uye vapora vave zviuru makumi matatu nezviviri nemazana maviri ane makumi masere nevasere, (32 288).

Vafa nechirwere ichi munyika yose vave chiuru chimwe nemazana mana nemakumi mana nevasere, (1448).

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba