Chikwata cheZimbabwe chemaChevrons chasaririra zvikuru murwendo rwe makundano e2023 World Cup zvichitevera mitambo yakaitwa nezuro.
Muhurongwa hwemamiriro ezvikwata zviri muICC Cricket World Cup Super League hwabuditswa neICC nhasi, Zimbabwe ndiyo iri pasi pasi pazvikwata gumi nezvitatu zviri mugungano iri.
Zimbabwe ine mapoinzi makumi maviri nemashanu chete, yakaenzana neNetherlands, iyo isina zita rakasimba mumutambo uyu.
Izvi zvauya mushure mekunge maChevrons nezuro akatadza kubuda kana nepoindi apo akadamburwa neSri Lanka nemawiketsi mashanu kunyange hazvo Sean Williams akamuka chibhebhenenga nekukanda maranzi zana.
Regis Chakabva akakandawo maranzi makumi manomwe, Takudzwanashe Kaitano akabuda nemaranzi makumi mana nemaviri.
Asi muteveri vechikwata ichi, VaPrince Mangunda, vanoti chavanoda kukunda kwete maranzi asina chaari kubatsira chinhu.
Mitambo pakati peSri Lanka neZimbabwe iyo iri kutambwa masikati nemanheru iri muSuper League iyo iri kushandiswa senzira yekuenda ku2023 World Cup.
Mukukunda uku, Sri Lanka, yave pachinhanho chechishanu nemapoinzi makumi mashanu nemaviri kubva mumapoinzi makumi mana nemaviri.
Mune mumwe mutambo mugungano iri nezuro, Ireland yakarova West Indies nema wiketsi maviri.
Zvikwata zvinomwe zvinopedza zviri pamusoro muSuper League iyi ndizvo zvinobudirira kuenda kuWorld Cup.
Zimbabwe iri pasi pePakistan iyo iri pachinhanho chekugumisira pazvikwata zvinofanira kuenda kuWorld Cup uku yakasiiwa nemapoinzi gumi nemashanu.
Muongorori wemutambo wekiriketi, VaPatrick Musapenda, vanoti pamira Zimbabwe apa pave kuda kushandwa zvakasimba.
Asi mumwe muteveri wekiriketi, VaPartson Munyati, vanoti nematambiro ari kuita maChevrons aya, Zimbabwe inofanira kukanganwa zveWorld Cup izvi.
Zimbabwe neSri Lanka dziri kusangana zvekare mangwana, dzichizopedzisa mitambo yadzo yezuva rimwe nemusi weChishanu.
Asi nhau dzinofadza dziri kubva kumakundano e2022 Under 19 cricket World Cup kuTrindad and Tobago uko Zimbabwe yakazvambura Papua New Guinea nemaranzi mazana maviri nemakumi maviri nemasere mumutambo wavo wekutanga.
Mune imwewo nyaya, Zimbabwe iri kutamba neGuinea mangwana mumutambo wayo wekupedzisira kumakwikwi e2021 Afcon Group B ari kuitirwa kuCameroon.
Guinea ine mapoinzi mana mushure mekurova Malawi ndokozoita mangange neSenegal iyo yakarova Zimbabwe 1-0. Malawi yakarovawo Zimbabwe 2-1 zvakasiya Zimbabwe isina kana poindi zvayo.
Guinea yakatobudirira kupinda mugungano rezvikwata gumi nezvitanhatu. Mushure memutambo wamangwana, Zimbabwe inenge yotakura mabhegi ayo kudzokera kumba.
Your browser doesn’t support HTML5