Vamwe veVakafa Mutsaona yeCyclone Idai Vanoradzikwa kuChimanimani

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vakatakura mutumbi wemumwe wevakashaya mutsaona yedutumupengo Cyclone Idai kuNgangu, kuChimanimani, mudunhu reManicaland.

Vanhu makumi mana nevashanu pavanhu makumi mapfumbamwe nevasere vakafa mutsaona yemvura yakakonzerwa nedutumupengo Cyclone Idai, vanonzi vavigwa kusvika pari zvino kuChimanimani, mudunhu reManicaland.

Mumiriri wedunhu reManicaland muparamende pasi pehurongwa hweProportional Representation, Amai Lynnette Karenyi veMDC, vanoti vanhu makumi mana vakavigwa neMuvhuro mumusha unogara veruzhinji weNgangu muChimanimani, uye vamwe vehukama vachiri kuedza kutakura mitumbi yehama dzavo kunoichengetedza kumisha yavo.

Amai Karenyi vanoti dunhu reChimanimani East ndiro rakanyanya kurasikirwa nevanhu, sezvo vakawanda vevakashaya vaive vagari vemo.

Vanoti huwandu hwevanhu vakashaya mutsaona iyi hunogona kudarika huri kuziviswa nehurumende sezvo mimwe mitumbi iri kunzi iri kuonekwa ichieredzwa nemvura munzizi.

Amai Karenyi vanotiwo vakaziviswawo nemumwe ishe wekuMozambique kuti kune mimwe mitumbi yakawanikwako inofungidzirwa kuti ndeye zvizvarwa zveZimbabwe.

Vanoti dunhu ravo riri kukumbira rubatsiro rwekuti vakwanise kuviga vakashaya vose, uye mishonga yekurapa vakakuwara, pamwe chete nechikafu chekupa vakaparadzirwa misha yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Lynette Karenyi