Zvikoro Zvakaparadzwa neCyclone Idai Zvichakasira Kuvhurwa Kotoro Inouya

  • Jonga Kandemiiri

Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa nemvura, dzimwe dzichisara dzazara nevhu zvichitevera mafashamu eCyclone Idai akarova Chimanimani neChipinge.

Hurumende inonzi yazivisa kuti zvikoro zvakakanganiswa nedutumopengo Cyclone Idai zvakabva zvatoenda pazororo, uye zvichakurumidzawo kuvhurwa nemasvondo maviri zvichienzaniswa nezvimwe zvikoro.

Zvikoro zvekuChimanimani neChipinge zvakakasika kuvharwa izvi zvinotarisirwa kuvhurwa musi wa 23 Kubvumbi, zvimwe zvichizovhurwa musi wa 07 Chivabvu, apo panotanga kotoro yepiri mushure mekunge zvavharwa musi wa 11 Kubvumbi.

Asi munyori wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, avo vakashanyira matunhu akaparadzwa nedutumupengo aya, vanoti havaoni zvichiita kuti zvikoro izvi zvivhurwe zuva ratarwa nehurumende iri nekuti zvizhinji zvacho zvakakanganiswa zvakanyanya zvekuti zvichatora nguva kuzvigadzirisa.

VaMajongwe vanoti zvimwe zvezvikoro izvi zvakatoparadzwa zvachose, zvimwechetewo nemigwagwa inoenda kuzvikoro izvi, pamwe nedzimba dzavarairidzi.

Vanoti varairidzi vazhinji vakarasikirwa nedzimba dzavo nemidziyo yavo yose izvo zvichakonzera dambudziko guru repekugara.

Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa nemvura, dzimwe dzichisara dzazara nevhu zvichitevera mafashamu eCyclone Idai akarova Chimanimani neChipinge.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe