Vanhukadzi Vaviri Vanofira paMuganhu weZimbabwe neSouth Africa

Zvizvara zveZimbabwe paMusina, South Africa

Mumwe mudzimai weku Zimbabwe akafa neChipiri kuMusina, pabhodha reBeit Bridge, akagara mubhazi akamirira kudhindirwa mapepa ake ekufambisa kuti apinde muZimbabwe.

Mutyairi webhazi ravakange vari akaudza vatori venhau kuti mudzimai uyu akatanga kuudza vamwe mubhazi iri kuti ari kunzwa kadzungu nekungoneta uye kupera simba.

Vamwe vavo vakavadira mvura kuti vatonhorerwe vakabuda mubhazi kuti varohwe nemhepo asi pavakaedza kupinda mubhazi zvekare, vakatadza kupinda ndokudonhera pamusuwo vakazoshaya muchinguva chishoma kunyange hazvo vanoona nezvenjodzi dzechimbi chimbi vemuMusina vakamhanyamhanya.

Bepanhau re Chronicle rakati zviri kutorera vanhu mazuva maviri vakamirira kudhindirwa mapepa avo ekuti vapinde kana kubuda muZimbabwe, richiti izvi zviri kukonzerwa nehuwandu hwevanhu uhwo hwuri kuwanda nemirairo yekudzivirira kupararira kwecoronavirus.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti matambudziko akatarisana nevanhukadzi muZimbabwe mazhinji, vachiti izvi zvaitika panguva imwe chete muumwe mudzimai nevana vake vaviri vakatorwa nemvura pavakaedza kuyambuka rwizi rwe Limpopo vachida kupinda muSouth Africa kunotsvaka basa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga