Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvofarira Kuvandudzwa kweCitizeship Act

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kuve nemasipoti edzimwe nyika hazvibvumidzwi nemutemo uripo pari zvino kuve nemasipoti edzimwe nyika panguva iyo zviine mapasipoti eZimbabwe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezviri munyika zvichange zvave kubvumidzwa kuve zvizvarwa zvedzimwe nyika panguva imwecheteyo zviri zvizvarwa zveZimbabwe, zvichitevera danho redare remakurukota rekubvumidza kuvandudzwa kwebhiri reZimbabwe Citizenship Bill.

Danho iri rinobvumidza kubatanidzwa kwemitemo yenyika nebumbiro remitemo idzva, iro rakaumbwa muna 2013.

Mutemo uripo pari zvino unorambidza zvizvarwa zveZimbabwe kuve zvizvarwa zvedzimwe nyika panguva imwecheteyo.

Kuvandudzwa kwebhiri iri kuchaonawo mutemo uyu uchishandurwa zita kubva kuCitizenship of Zimbabwe Act kuenda kuZimbabwe Citizenship Act.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vakazivisa nezvehurongwa uhwu neChipiri, hanava kupa nguva ichatorwa pakubatanidzwa kwemitemo iyi, izvo zvanga zvichinzi nevana veZimbabwe vakawanda, zvikuru vari kunze, zviri kunonoka kuitwa.

Chizvarwa cheZimbabwe vachitungamira sangano reZimbabwe Yadzoka/Mayibuye iZimbabwe, Doctor Victor Chumhutu, avo vanodzidzisa paBergen University kuNorway, vanoti iri idanho rakanaka chose sezvo richibatanidza mitemo iri kushandiswa munyika pari zvino nebumbiro renyika.

"Chinhu chakanaka kuti hurumende, kana kuti cabinet, inenge yave kukurumidza kufambisa nyaya yekuti mitemo ienderane nebumbiro remitemo, chinova chinhu chakatononoka zvakanyanya," Doctor Chimhutu vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Victor Chimhutu