VaMnangagwa Vokurudzirwa Kugadzirisa Zvinhu Kuti Zvirango Zvibviswe

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotarisirwa kunge vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly, pechipiri kubva vatora masimbakubva kuna VaRobert Mugabe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutaura nhasi kugungano reUnited Nations General Assembly rechimakumi manomwe neina riri kuitirwa kuNew York muno muAmerica.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa musangano uyu nezvebudiriro yaitwa nehurumende yavo kubva vapinda mumasimba muna 2017, uye kukurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti hazvibatsire kuti VaMnangagwa vataure nezvebudiriro kana kukurudzira kuti zvirango zvibviswe hurumende yavo ichiramba ichityora kodzero dzevanhu.

Vamavhinga vanoti zvinonetsa kuti mashoko aVaMnangagwa atambirwe nevakadzika zvitarafu ivo vakasiya kumusha kuine nyaya yekupambwa pamwe nekushungurudzwa kwevanhu kusanganisira Doctor Peter Magombeyi, avo vari kurambidzwa nemapurisa kubuda munyika kuti vanorapwa.

VaMnangagwa havasi ivo chete mutungamiri wenyika ari kukurudzira kuti zvirango zvakatemerwa nyika yake zvibviswe.

Mutungamiri we Iran, VaHassan Rouhani ,vaudzawo musangano uyu kuti zvirango zvakatemerwa nyika yavo neAmerica zvinofanirwa kutanga zvabviswa kana pachidiwa kuti nhaurirano dzibudirire.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga