Madhokotera neVakoti Voshanda Hana Dzichirova Vachityira Kubatwa neCovid-19

FILE - Zimbabwean riot policemen stand in front of doctors and nurses who are demonstrating over the deteriorating health system, outside Parirenyatwa group of hospitals in Harare, Nov. 18, 2008.

Huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere che Covid-19 hwava kupa kuti vashandi vanobatsira vanhu vanenge vachirwara nedenda iri, vapindwe nekutya, vachityira kuti vanogona kupinzwawo munjodzi nechirwere ichi, icho chava kuita chamurambamhuru munyika.

Vashandi vezvehutano vanoti vave kusangana nevanhu vane chirwere ichi nguva dzose pavanenhge varipabasa sezvo huwandu hwevanhu vanenge vachibatwa nechirwere ichi huru kuramba huchikwira

Mumwe mushandi wezvehutano, uye vari munyori wezvehutano muMD Alliance, Dr Henry Madzorera, vati vari kusiririswa zvikuru nehuwandu hweavo vari kufa nechirwere cheCovid-19.

VaMadzorera vati vashandi vezvehutano vanotoda kubatsirwa mukugadzikana kwepfungwa nekuti zvavari kuona vari pabasa zvinotyisa.

VaMadzorera, avo vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, vatiwo apo vashandi vezvehutano vanenge vodzokera kumba, vanenge vakutyirawo kutapurira mhuri dzavo kana vachinge vabatwa nedenda iri asi risati rabuda pachena.

Asi VaMadzorera vati sevashandi vezvehutano varikutorawo matanho ekuderedza njodzi iyi sezvo riri basa ravo rekubetsera vanenge vachirwara

Mumwe mukoti anoshanda muguta reHarare, VaSimbarashe James Tafirenyika, avo vanotungamira Zimbabwe Urban and Rural Council Nurse Worker’s Union, vati zvinhu zvinotyisa zvakanyanya kuenda kubasa.

Asi vati kubaiwa kwavakaitwa nhomba kwakadzikamisa hana yavo.

VaTafirenyika vatiwo zvakakosha kuti vashandi vezvehutano vapiwe zvekushandisa zvakakwana kuitira kuti vasabatwe neCovid-19 apo vanenge vachibetsera veruzhinji.

VaTafirenyika vatiwo zvakakosha kuti vashandi vezvehutano vese vapiwe zvekufambisa kuitira kuti vasasangane neveruzhinji.

Mumwe mugari wemuHarare, VaGodknows Homwe, vati vashandi vezvehutano vanofanirwa kuwedzerwa mari dzemihoro sezvo vari kubata basa rakakosha huye rinotyisa.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matanhatu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pazviuru zviviri nemazana masere nevapfumbamwe 2809.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi mapfumbamwe nechimwe nezana nemakumi maviri,91,120 , zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nemazana manomwe nevashanu 2705 nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vakange vave miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri makumi mapfumbamwe nezviviri nemazana matanhatu nemakumi mana nevaviri, 1 292, 642

Vanhu vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu nezvitanhatunemazana maserenemakumi matatu, 656 830.

Huwandu uhwu hunogona kukwira apo hurumende ichazivisa zvabuda muongororo dzanhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhutu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere