Vamwe vana chiremba vari kuramwa mabasa vanoti hupenyu hwavari kurarama hwakaoma sezvo vachiti mari yavanotambiriswa nehurumende haisi kukwanisa kuchengeta mhuri dzavo.
Izvi zvinouya apo hurumende ichiti homwe yayo yakabooka zvekuti haikwanise kuwedzera vashandi vayo mari dzemihoro.
Panguva iyo ana chiremba vadiki vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nekupihwa zvose zvinodiwa mukuita basa ravo, vana chiremba ava vanoti basa ravo rave kushoresa kunyange hazvo basa rehudhokotera raive basa rinoshamisira chaizvo.
Mumwe wemadhokotera aya, VaWallace Hlambelo, vanoti kushomeka kwemari dzavanotambira kwava kukonzera kuti vatadze kuraramisa mhuri dzavo.
VaHlambelo vanotiwo makarekare vanachiremba vaizivikanwa vachifamba nemotokari asi ivo vave kungoswera kweshana mafudze nevanhu zvavo vavanozoonana navo kuzvipatara zvavanoti zvave kuvabvisa chimiro.
Izvi zvinotsinhirwawo nemumwe chiremba, Muzvare Rosyln Mandaza, avo vanotiwo sachiremba vanenge vakatarisirwawo nemhuri yavo semunhu ane dzidzo yepamusoro yaakatora makore akawanda achiita pamwe nebasa rine chiremera kuti vayambutsewo vari mumashure mavo mumhuri yavo pamwe nekuchengeta vabereki vavo.
Asi Muzvare Mandaza vanoti izvi hazvisi kukwanisika sezvo vachiti mari yavari kutambira yakafanana nemutero wembwa.
Muzvare Mandaza vanoti dai hurumende yanzwa zvichemo zvavo yowedzerewo mari dzemihoro kuitira kuti chimiro chemadhokotera chidzokere pamakarekare.
Kunyange hazvo hurumende ichiti homwe yayo yakabooka kuti iwedzere madhokotera aya mari dzemihoro, mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti hurumende inofanira kutsvaga mumwe munhu anotsiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, achatungamirira nyaya yenhaurirano pakati pemadhokotera ari kuramwa mabasa aya nehurumende.
Mashoko aVaMafume aya anouya apo VaChiwenga vakatsvinyira vana chiremba vari kuramwa mabasa vachiti vachiri vana vechikoro izvo zvakashorwa nanachiremba ava.
VaChiwenga vakambodzinga ana mukoti vairamwa mabasa mukutanga kwegore rino izvo zvinonzi naVaMafume hazvikodzere kuti varambe vachitungamirira nhaurirano idzi.
Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rakashorawo mabatirwo ari kuitwa vana chiremba richiti gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, havasi kunyatsoziva basa ravo.
Sangano iri rinoti havasi vana chiremba vadiki chete vari kuramwa mabasa sezvo vana chiremba vemumatunhu ose munyika vabatanawo mukuramwa mabasa.
Chiremba anotambiriswa pamwedzi mazana matatu nemakumi maviri nemadhora mapfumbamwe, asi iri mari ye RTGS.
Asi VaMoyo vanoti hurumende yakatarisirwa kuenderera mberi nenhaurirano idzi navana chiremba neMuvhuro kuti vaedze kutsvaga nzira dzekugadzirisa nhuna dzavana chiremba ava.
VaMoyo vaudza Studio 7 kuti havana zvakawanda zvavangataura kudzamara musangano uyu waitwa.
Nekune rumwe rutivi, vana chiremba vakuru vakapa hurumende kusvika panopera zuva ramangwana kuti hurumende igadzirise nhuna dzvanachiremba vadiki kana kuti votangawo kuramwa mabasa sezvo vachiti havakwanise kuita basa ravo nemazvo kana vana chiremba vadiki vasipo pabasa.
Asi nekuramba kuri kuita hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa isingatsukunyuke pazvichemo zvanachiremba vari kuramwa mabasa ava, veruzhinji vanogona kuramba vachingorasikirwa nehupenyu muzvipatara vasina anovarapa.
Hurumeende iri kushorwawo nemasangano akawanda anosanganisira reCrisis in Zimbabwe Coalition pamwe nesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe avo vari kutiwo hurumende inofanira kunzwira veruzhinji vari kufira muzvipatara tsitsi kubudikidza nekugadzirisa nhuna dzavanachiremba.
Masangano aya ari kushorawo hurumende nekutadza kuremekedza kodzero dzevashandi sezviri bumbiro remitemo yenyika iro rinobvumidza vashandi kuramwa mabasa pamwe nekuratidzira zvichitevera kumbomiswa mabasa kwakaitwa vamwe vevana chiremba vari kuramwa mabasa ava nebhodhi rinoona nezvehutano reHealth Services Board.
Vana chiremba ava vave nemazuva makumi maviri nemasere vachiramwa mabasa.
Your browser doesn’t support HTML5