Apo zvinhu zvanga zvoratida sekunge mamwe mapazi ehurumende yeAmerica achambovhara kutanga neChipiri nekuda kwekusavepo kwemari yekushandisa, mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, neSvondo manheru vakasaina bhiri rinobvumidza kuvepo kwemari $2.3 trillion yekubatsira mapazi aya.
Pmari yosei iyi, mazana mapfumbamwe emabhiriyoni emadhora, kana kuti $900 billion, ichabatsira vanhu munguva ino yecoronavirus, kuchiti imwe inoita $1.4 trillion ichashandiswa nemapazi ehurumende kusvika muna Gunyana wegore rinouya.
Kunyange hazvo VaTrump vakasaina bhiri iri, vari kugunun’una zvikuru vachiti mari iri kupiwa vanhu kuti vabatsirikane munguva ino ye coronavirus ishoma zvikuru mushure mekunge matare eparamende nekongiresi apasisa bhiri iri svondo rapera.
VaTrump vakati vakasaina bhiri iri sedanho rekudzora rubatsiro rwakanga rwuchipiwa vanhu vanosvika mamiriyoni gumi nemana vakanga varasikirwa nerubatsiro rwunipowa vasingashande pamwe nemhuri dzakavhiringwa nedenda reCovid-19, uyewo kuitira kupa mukana kune makambani ari kutatarika.
Munhu mumwe nemumwe ari kutarisirwa kuwana mari inoita madhora mazana matanhatu kana kuti US$600.00 yekubatsirikana nayo munguva ino ye coronavirus, asi VaTrump vanoti munhu oga oga aifanirwa kupiwa madhora zviuru zviviri zvemadhora.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSouth Carolina muno muAmerica, VaPromise Sande, vanoti zvakaitwa naVaTrump zvakanaka chose sezvo zvichibatsira hurumende pamwe nevanhu vari kutambura.
"Zvinhu zvanga zvakatarisirwa uye kusaina kwavo kuchabatsira zvikuru vanhu vemuAmerica," VaSande vanodaro.
Vanoti veruzhinji vanogona kutanga kutowana mari idzi mukupera kwemasvondo maviri.
Your browser doesn’t support HTML5