Britain Yoyambira Kutemera Zvirango Vamwe Vanhu muZimbabwe.

Amai Harriett Baldwin vachisangana naVaEmmerson Mnangagwa

Hurumende yeBritain inoti ichawedzera mazita ezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pavanhu vakatemerwa zvirango neEuropean Union zvichitevera zvakaitwa nehurumende yeZimbabwe mushure mekuratidzira kwakaitwa nevanhu masvondo maviri apfuura.

Vachipa humbowo pamberi pekomiti yeparamende yange ichinzwa humbowo kubva kuvanhu pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe, gurukota rinoona nezveAfrica muhurumende yeBritain, Amai Harriett Baldwin, vati Britain haichatsigiri Zimbabwe kuti idzokere musangano reCommonwealth sezvo Britain isiri kufara nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Amai Baldwin vati hurumende yavo haisi kufara namabatirwo akaitwa vanhu vakange vachiratidzira kusafara kwavo nekukwidzwa kwakaitwa mutengo wemafuta edzimotikari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Harriett Baldwin

Amai Baldwin vaudza komiti iyi kuti mushure mekuurayiwa kwevanhu nekubatwa chibharo kwakaitwa mamwe madzimai, vakaudza mumiririri weZimbabwe kuBritain, pamire hurumende yavo, uye vakaudzawo zvimwe chetezvo makurukota eEuropean Union neAfrican Union anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Amai Harriett Baldwin Vanotaura Nezve Zimbabwe neCommonwealth

Amai Baldwin vati Britain icharamba ichibatsira avo vari kunetseka muZimbabwe.

Vati pari zvino Britain iri kubatsira vana vanopfuura zviuru zvitatu pamwe chete nekutsigira nzvimbo dzine madzimai anoda hupoteri kubva kuhurumende.

Nyanzwi mune zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paTswaane University of Technology kuSouth Africa, Doctor Ricky Mkonza, vanoti Britain yaita zvakanaka asi havana chokwadi kuti nyika dzemuSADC dzichabatsira zvakadini.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza