Vanhu vekuChipinge nenzvimbo dzakapoteredza dunhu iri vapindwa nekutya kukuru mangwanani eMugovera zvichitevera kundengendeka kwaitika munzvimbo iyi.
Zvinonzi kundengendeka uku kwavhiringa dzimba dzakawanda, uye kwange kuine mutsindo we5.5 magnitude.
Kundengendeka uku kunonzi kwanzwikwawo muHarare, Masvingo Mutare, kusanganisirawo nenzvimbo dzemu Mozambique.
Mutauriri we Meteorological Service Department, VaRich Zinyemba, vanoti vachiri kuongorora kuti kundengendeka uku kwavhiringa zvakadii nzvimbo iyi.
Asi mudzviti wedunhu reChipinge, VaWilliam Mashava, vaudza Studio 7 kuti havasati vanzwa kufa kana kukuvara kana kuparadzwa kwezvinhu.
VaMashaya vanoti vaendesa mashoko kwese kwese kuti vanhu vakurumidze kuvaudza kana paine zvavhiringwa nekundengendeka uku.
Your browser doesn’t support HTML5
Mumwe wevagari venzvimbo iyi, VaLuke Mhlanga, avo vanogara mudunhu raIshe Musikavanhu vanoti vange vari mumunda patanga kundengendeka uku.
Vanotiwo vabata muti senzira yekuti vasadonhe pasi pavanzwa kundengendeka uyu.
Your browser doesn’t support HTML5