Econet Inoti Yakamanikidzwa Kuvhara Indaneti

Vanoshandisa nharembozha varikunetseka kubva zvavharwa 'internet'

Apo madandemutande eFacebook, Whatsapp, ne Twitter, oramba akavharwa panguva iyo veruzhinji vari kuda kuziva zviri kuitika munyika, gweta riri kumiririra Econet Wireless munyaya yakasvitswa kumatare ne Media Institute of Southern Africa-Zimbabwe, pamwe chete nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTaona Nyamakura, vanoti Econet yakavhara masaisai aya mushure mekunge yanyorerwa tsamba nehurumende kuti ivhare madandemutande.

VaNyamakura vati zvinenge zvataurwa nehurumende zvinofanirwa kutevedzerwa uye anenge asingazvifariri anogona kuenda kumatare edzimhosva.

“Hatisi kurwisa Zimbabwe Lawyers for Human Rights; hatisi kurwisa Media Institute of Southern Africa. Tatozivisa dare kuti mutongo unenge waiswa, zvisinei kuti wakamira sei, tinongotambira,” VaNyamakura vakaudza Studio7.

Media Institute of Southern Africa-Zimbabwe, pamwe chete nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vakaenda kumatare vachimhangarira hurumende, Econet nemamwe makambani anoita zvekufambiswa kwemashoko vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu mukudzima kwavakaita dandemutande munyika.

“Kana hurumende ichinge yasunga zvainenge yasunga, pamutemo munhu anenge ataurirwa zvekuita nehurumende anofanira kuita zvaaudzwa kana asingazvifaririri oenda kumatare edzimhosva asi aita zvaaudzwa kuti aite,” VaNyamakura vakaudza Studio7.

Nyaya iyi ichanzwikwa mudare redzimhosva muHarare nemusi weMuvhuro, 21 Ndira, 2019.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTaona Nyamakura