Sangano rinodzivirira kutyorwa kwekodzero dzevatengi, reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, rinoti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu pamwedzi yakaderera zvishoma shoma mumwedzi waChivabvu zvichi enzaniswa nemwedzi waKubvumbi.
Sangano iri rinoti muna Kubvumbi mhuri ine vanhu vatanhatu yaida mari inoita $579.15, asi muna Chivabvu mhuri imwecheteyo yaida mari inoita $577.77, zvichiratidza kuderera ne $1.34 kana kuti 0.24 percent.
CCZ inoti zvekudya zvakaderera mitengo zvinosanganisira majarini, upfu, shuga, masamba, chingwa, matomati, pamwe nenyama.
Asi nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara vanoti kunyange hazvo mari inodiwa nemhuri iyi yakadzikira, hazvina zvikuru zvazvinobatsira vanhu nekuti ongororo yeZimbabwe Statistical Ageny, Zimstat, inoratidza kuti inflation iri kutokwira.
Doctor Chitambara vanoti zvimwe zviri kuita kuti mitengo yezvinhu ikwire inyaya yekuvepo kwemitengo mitatu iri kushandiswa nevanotengesa, wemari yemusvo, wemakadhi ekumabhanga uye mutengo wemari yema bond note.
Your browser doesn’t support HTML5