Zimra Yowana Mari Inodarika Yayainge Yakatarisira

  • Jonga Kandemiiri

ZIMRA

Zimbabwe Revenue Authority, Zimra, yazivisa kuti mari yayakaunganidza kubva kumitero muchikamu chekutanga chegore yakawanda kudarika yayakanga yakatarisira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Zimra yazivisawo zvakare kuti mari yechikamu chekutanga chegore rino iyi yakakwira nezvikamu gumi nezvina gubva muzana kana zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo mugore rapera ra2016.

Boka iri rinoti gore rino rakanga rakatarisira kuunganidza mari inoita $812.94 million, asi rakazogumisira raunganidza $862.47 million kubva kumitero.

ZIMRA inoti izvi zvakabudirira nekuda kuburikidza nekusimbisa mitemo yemitero, kushandiswa kwemichina, pamwewo nedzidziso pamusoro pemitero.

Mari yakawandisa inonzi yakabva kumitero inobhadhariswa pakutengeswa kwezvinhu muzvitoro yeValue Added Tax kana kuti VAT, mitero inobhadharwa nevanhu pamwe nemitero inobhadharwa pakupinzwa kwezvinhu munyika.

Imwe mari inonzi yakabva kumitero yemakambani nekumwe kwese kunobatwa mitero.

Asi imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti kukwira kwemari uku hachisi chinhu chingapembererwa sezvo usiri munongedzo wekuti zvinhu zvave kugadzikana munyaya dzeupfumi.

VaKuchera vanoti kushandiswa kwemari muchikamu chekutanga kwegore kunenge kwakakwira, izvo zvinogonawo kuita kuti mitero iwande.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Kuchera