Kunetsana muZanu-PF Kotemesa VaMugabe Musoro

President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu-PF kunyange hazvo bato iri rakadzinga mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nevamwe vanodarika gumi uye kumisa kuva nhengo vanhu vanosvika makumi masere nevapfumbamwe.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vakaudzwa kuti mubato mapindwazve napongwe sezvo poita kurwisana pakati pevanonzi vari kutsigira vatevedzeri vavo VaEmmerson Mnangagwa naVaPhelekezela Mphoko.

Bepanhau reSunday Mail rinoti VaMugabe vakaudza vechidiki mubato ravo kuti nhengo dzebato dzinofanira kumira kutaura nezvekuti ndiyani achavatsiva kana vasiya chigaro.

Asi vakuru mubato iri vaudza Studio 7 kuti kunetsana mubato kuri kuenderera mberi.

Nyanzvi munyaya dezezvehupfumi dzinoti hakuchina munhu ari kutaura nezvekugadzirisa hupfumi hwenyika sezvo makurukota ari kupedza nguva yakawanda achirongerana dhende.

Vamwe vakadzingwa mubato vakaita sevaive gurukota rezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti kunetsana kuri kukonzerwa nevanhu vakatora zvigaro asi vasina rutsigiro rwevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti

VaBhasikiti vanoti vari kutambiswa chamutavanhava naAmai Shuvai Mahofa, avo vakatora chigaro chavo vave kuvatorera chimwe chikamu chepurazi ravo vachishandisa vakarwa hondo.

Asi Amai Mahofa vaudza Studio 7 kuti nyaya dzekunetsana mubato dzakapera nekudzingwa kwa Amai Mujuru nevamwe vavo vakaita saVaBhasikiti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Shuvai Mahofa