VaMnangagwa Vanotara Musi wa 30 Chikunguru seZuva reSarudzo

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vatara zuva ra30 Chikunguru 2018 sezuva richaitwa sarudzo munyika.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mangagwa, vazivisa kuti nyika ichaita sarudzo dzekutsvaga mutungimiri wenyika, nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura musi wa 30 Chikunguru 2018.

Muchiziviso chavo mugwaro rehurumende reExtra Ordinary Gazette, VaMnangagwa vati kana pachinge pashaya anokunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, sarudzo dzedzokororo, kana kuti run-off, dzinozoitwa musi wa 8 Gunyana.

VaMnangagwa vazivisa kuti vanoda kukwikwidza musarudzo idzi vanofanira kunyoresa kuNomination Court musi wa 14 Chikumi mumatare amajisitereti nemahofisi ekanzuru ari munzvimbo dzavo zvichienderana nekuti sarudzo dzinenge dzichida kukwikwidza munhu ndedzipi.

Dare richatambira magwaro eavo vanoda kukwikwidza sarudzo dzemutungamiriri wenyika richagara muCourt “A” paHigh Court iri paMapondera Building muHarare kutanga nenguva dza10.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yabva yazivisa kuti vanoda kukwikwidza musarudzo vanogona kutanga kunotora magwaro ekunyoresa mangwana chaiwo.

Nyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari murairidzi paUniversity of Zimbabwe, muzvinafundo Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti chasara chikuru ndechekuti vanoda kupinda musarudzo idzi vachinyoresa kuZEC.

VaMadhuku vanotsangura kuti pane zvimwe zvinodiwa izvo vati zvichaziviswa neZEC kudare reNomination Court.

Vanokokera nhengo dzebato rinopikisa reMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, vati kunyange hazvo vasiri kufara nemutemo wesarudzo, mutungamiriri wenyika aita zvakatarwa mubumbiro remutemo wenyika.

Sachigaro werimwe remasangano anoongorora sarudzo, reElections Resource Centre, VaTrust Maanda, vati kutarwa kwezuva resarudzo kuri pamutemo uye zvakakosha kuti vemapato ezvematongerweo enyika vachigadzirira sarudzo idzi nekuti zuva iri harichashanduka.

Vakurudzira vanhu kuti vaende kunonyoresa kuvhota pamazuva maviri asara vachiti zvinhu zviri nani chose kunyange hazvo paine nyaya dzemhirizhonga pano nepapo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya