Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti ichadoma nhengo dzemasangano anoshanda akazvimirira munhau kuti apinde mukomiti yayo inoongorora mashandiro evatapi venhau musarudzo.
ZEC yatora danho iri zvichitevera tsamba yekunyunyuta yakanyorwa nesangano reMedia Institute of Southern-Zimbabwe svondo rapfuura.
MISA-Zimbabwe yakanyorera kuZec ichiti komisheni iyi yaifanira kushanda nemasangano akaita seravo nemamwe sezvo Zimbabwe Media Commission neBroadcasting Authority of Zimbabwe, idzo dzinofanira kudoma nhengo dzinofanira kushanda neZec mukuongorora mashandiro evatori venhau, dzisina mabhodhi.
Imwe nhengo yekomisheni iyi, Doctor Qubani Moyo, vaudza Studio7 kuti vachashanda nemasangano akazvimirira pasarudzo dzegore rino.
Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti vanotambira danho ratorwa neZec.
Mukuru werimwe remasangano anoongorora mashandire evatori venhau munyika, reMedia Monitors, Muzvare Patience Zirima, vaudza Studio7 kuti Zec yange yagara yave kutocherechedza basa rinoitwa nesangano ravo.
Vatiwo sangano ravo rakazvipra kubatsira Zec mukuongorora mashandiro evatori venhau panguva yesarudzo.
Mutemo wesarudzo unopa Zec masimba ekuongorora mashandiro evatori venhau panguva yesarudzo uye unoti panguya iyi, Zec inofanira kubatsirwa neZimbabwe Media Commission neBroadcasting Authority of Zimbabwe kuita izvi.
Izvi zvinoitwa nechinangwa chekuona kuti mapato ese anopinda musarudzo apihwa mukana wakaenzana panhepfenyuro nemapepanhau ehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5