Zec Inovhara Mahofisi Ayo kweMasvondo Maviri Zvichitevera Kubatwa neCovid-19 kweVanhu Vakawanda Kusanganisira Vashandi Vayo

Justice Priscilla Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti iri kuvhara mahofisi ayo kwemasvondo maviri kutanga nemusi weMuvhuro unouya zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19, kusanganisirawo vamwe vashandi veZec.

Muchiziviso chayo kune veruzhinji sachigaro weZec, Justice Priscilla Chigumba, vati mahofisi avo ese munyika achavharwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Amai Chigumba vati danho ravatora rakanangana nekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Mukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, vaudza Studio7 kuti danho iri rakanangana nekuchengetedza vashandi vekomisheni pamwe nevavhoti.

Vati komisheni haisi kuvhara mahofisi zvachose uye paichavhura mwedzi unouya, munhu wese anokodzera kuvhota anofanira kunyoresa.

Vati vashandi vekomisheni yavo vachange vachishanda vari kumba vachiita basa ravo semazuva ose.

Asi mutungamiriri weDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti Zec inofanira kushandisa michina yechizvinozvino kuitira kuti vanhu varambe vachinyoresa kuvhota kunyange kuine denda reCovid-19.

Asi VaSilaigwana vati Zec ine tarisiro yekushandisawo michina yechizvino zvino pakunyoresa vanhu kuti vavhote, asi pari zvino mutemo hauvabvumidze kuita izvi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reResource Centre, VaSolomon Bobosibhunu, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa neZec rakanaka, asi vakati Zec inofanirawo kutaura nevamwe isati yatora matanho akadai.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati nyaya dzesarudzo dzinoda kuti vanhu vashande pamwe kunyange kuine Covid-19.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato reZanu PF sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi, vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zec iri kushorwa nenyaya yekutadza kuita sarudzo dzema by-elections panguva iyo dzimwe nyika dziri kuita sarudzo asi pachitevedzwa mitemo inobata chirwere cheCovid-19.

Zec pachayo inoti inokwanisa kuita sarudzo idzi nguva ipi zvayo asi yakabatwa nemutemo wehurumende wekudzivirira Covid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya