Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kukurudzira vashandi pamwe nevanozvibatira mabasa emaoko kuti vasaenda kumabasa kutanga neMuvhuro senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nekuoma kwaita hupenyu.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvichitevera tsvakurudzo yavakaita kubva kune mapoka akasiyanasiyana, vakaona zvakakodzera kuti vakurudzirire vanhu kuti vasaenda kumabasa kwemazuva matatu.
VaMutasa vanoti vashandi vamanikidzwa kutora danho iri zvichitevera kukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMugovera usiku.
VaMutasa vanoti vashandi vari kutarisana nematambudziko makukutu ekukwira kwemitengo yezvinhu zuva nezuva asi mihoro yavo isiri kukwirawo.
Vanoti kuwedzerwa kwemutengo wemafuta ekufambisa kwatonyanyowedzera matambudziko evashandi vemuZimbabwe, vangave vakabairwa zvitupa kana vanozvishandira voga.
VaMutasa vanoti vanga vakanga vakokwa nehurumende kuti vasangane nehurumende pamwe nevashandirwi neMuvhuro pasi pegungano reTripartite Negotiating Forum, asi mushure mekukwidzwa kwemafuta ekufambisa sangano ravo harichakwanisa kupinda mumusangano uyu.
Vanoti vachazotarisa dzimwe nzira dzekutora panopera mazuva matatu ekusaenda kumabasa.