Varimi Votanga Kupihwa Dhiziri nePeturu Pamberi peVeruzhinji

  • Thomas Chiripasi

Peter Joseph Dzingami, a far manager in Goromonzi district, March 5, 2019, says that in the previous years farmers would control the fall armyworm. But this year, because there is not much rainfall, and the worms are hatching more than previous years and

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti varimi ndivo vachange vave kutanga kuwaniswa mafuta edzimotokari kuitira kuti varimi vane mbesa dzemumwaka wechando vasarasikirwe nenguva.

VaChasi vaudza Studio7 kuti bazi ravo richange richiongorora mafambisirwo ari kuitwa mafuta edzimotokari nevemakambani emafuta vachiti bazi ravo ratora danho rekuti varimi vane zvirimwa zvinorimwa mumwaka wechando zvakaita segorosi vave ivo vanotanga kuwaniswa mafuta edzimotokari zvikuru sei dhiziri.

Danho ratorwa nehurumende iri rinouya apo hurumende iri kutadza kutenga mafuta anokwanira nyika izvo zvave kupa kuti vedzimotokari vagare vari mumitsestse.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi musangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union, VaPrince Kuipa, vati sevarimi vari kutambira danho ratorwa nehurumende.

Asi vati hurumende inofanira kuisa nzira dzakajeka dzinoita kuti varimi vawane dhiziri nyore uye nekukasika kuitira kuti varimi vasarasikirwe nenguva yekushanda muminda yavo.

VaKuipa vati hupfumi hwenyika uhwo hwakabatwa nekurima hunogona kuramba huchiwira pasi kana hurumende ikatadza kugadzirisa dambudziko remafuta evarimi nekukasika.

VaKuipa vati varimi vazhinji, zvikuru sei avo vanorima gorosi mumwaka wechando vatove kumashure nenguva sezvo vamwe vavo vari kushaya dhiziri rekushandisa mukurima gorosi.

Mashoko eZFU aya anouyawo panguva iyo sangano reGrain Millers Association richiti makambani anobika chingwa haana furawu inokwana kubika chingwa chinokwanira nyika izvo zviri kukonzera kuti chingwa chishayikwe muzvitoro.

Nekuda kwekuti varimi vanodawo magetsi pane imwe michina yavanoshandisa mukuita basa ravo, VaChasi vatiwo bazi riri kusimbaradza nyaya yekushandiswa kwemagetsi ezuva kana kuti solar sezvo Zimbabwe isina magetsi akakwana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurumende ikasagadzirisa nyaya yekushaikwa kwemafuta edzimotokari pamwe nemagetsi nekukasika, zvichaita kuti hupfumi hwenyika huwire pasi sezvo makambani mazhinji ari kutadza kufambisa mabasa awo zvakanaka nekuda kwekushayikwa kwemafuta edzimotokari pamwe nemagetsi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi