Bhodhi Idzva reZimra Rinogadzwa Richitungamirwa naVaCallisto Jokonya

ZIMRA

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakazivisa neChitatu mazita evanhu vatanhatu vachange vari mubhodhi idzva reZimbabwe Revenue Authority, Zimra.

VaNcube vakati sachigaro webhodhi iri vachange vari muzvinabhizimisi ane mukurumbira, VaCallisto Jokonya, mutevedzeri wavo ari Amai Josephine Matambo.

Dzimwe nhengo dzebhodhi iri ndiVaGeorge Guvamatanga, VaIsaac Kwesu, Memory Nguwi naDoctor Morris Mpofu.

Mutungamiri wesangano revanotenga vachitengesa reInternational Crossborder Traders Association, VaDenis Juru, vaudza Studio7 kuti kunyange havo vachiremekedza VaJokonya semunhu anoziva zvemabhizimisi, VaJokonya havangakwanisi kupedza huori huri kuZimra nekuti huori uhu hunobva kumusoro soro kwehurumende kunove iko kunofanirwa kutanga kugadziriswa.

VaJokonya vaudza Studio7 kuti vanga vari kunze kwenyika uye havakwanisi kutaura nesu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenis Juru