Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti makambani anofanirwa kushanda zvakasimba kuitira kuti nyika iwane zvose zvainoda zvisineyi kuti kune denda reCovid-19.
Mumashoko avatura semunyarikani pamusangano weInternational Business Conference pagungano reZimbabwe International Trade Fair muBulawayo nhasi VaChiwenga vati kunyange hazvo hurumende ichitambira rubatsiro rungabve kunze zvakakosha kuti nyika ikwanise kuwana zvakawanda zvinodiwa mukurarama kwevanhu zuva nezuva.
VaChiwenga vati kuvepo kwedenda reCovid-19 kwakaunza mararamiro matsva pasi rose kusanganisira kusakwanisa kufamba kwevanhu pamwe
nekufambiswa kwezvigadzirwa zviri nyore sezvaisiitika chirwere ichi
chisati chavepo.
VaChiwenga vati zvisinei nekushora kunoitwa nevamwe vavasina kudoma,
hurumende iri kuita zvose zvainogona kuti imutusrudze hupfumi hwenyika
vakatiwo hurumende iri kuita zvakawanda kubatsira maindasitiri
nemakambani kuti ashande nemazvo.
Asi vati zvakakoshawo kuti maindasitiri nemakambani zvisapeta maoko vachiti hurumende haizodziviriri maindasitiri kana makambani asingashande nesimba kuti azvisimudzire.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vati zvakakosha kuti vanhu pachezvavo pamwe nemakambani akazvimirira neehurumende ashande
achitevedzera mitemo yenyika vakayambira kuti avo vari kuramba
vachiita zvekutenga kana kutengesa mari pamusika mutema vachasungwa.
VaChiwenga, avo vanovewo gurukota rezvehutano, vati Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri kurumbidzwa pamabasa ekurwisa covid-19 vakati hurumende iri kuramba yakasvinurira nyaya iyi. Vakurudzira veruzhinji kuti
vabayiwe nhomba yekudzivirira covid uye kuramba vachitevedzera
zvinotaurwa nesangano reWorld Health Organisation pakurwisa chirwere
ichi.
Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaKurai
Matsheza, vaudza Studio7 kuti sangano ravo rinotsigira hurongwa
hwehurumende hwekuti veruzhinji vabayiwe nhomba vachiti nhengo dzavo dziri kuita zvakasiyana-siyana senzira yekukurudzira vashandi kuti
vabayiwe nhomba yekudzivirira Covid-19.
Makurukota ehurumende akawanda kusanganisira gurukota rezvemari
Professor Mthuli Ncube negurukota rezvemaindasitiri, Amai Sekai Nenza,
vange varipowo pamusangano uyu.
Gungano reZITF richavhurwa zviri pamutemo mangwana nemutungamiri
wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Your browser doesn’t support HTML5