African Union Inokurukura Zvekumisa Huori muAfrica

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Sibusiso Moyo.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Sibusiso Moyo, vanoti musangano weAfrican Union, uchangopera kuMauritania, wakazeya nyaya zhinji dzinosanganisira kupedza huori, kudzivirira varwisi vanopfurikidza mwero, pamwe chete nekuita hurongwa hwekutengeserana muAfrica pasina mitero mikuru.

“Nyaya dzaitaurwa apa dzakange dzakawanda,” Doctor Moyo vaudza Studio7.

“Chokutanga yakange iri nyaya yekupindudza mubatanidzwa weAfrican Union; chechipiri chakataurwa inyaya yehukama hwedu neEurope pakutengeserana kana chirongwa chiripo chapera muna Kukadzi 2020,” vadaro VaMoyo

Doctor Moyo, avo vakasvika muNetherlands neChitatu uko kwavanoti vatumwa kunogadzirisa kudyidzana kweZimbabwe nenyika iyi, vanoti Zimbabwe inoyemurwa nenyika zhinji dzemu Africa mukurwisa huori kwairi kuita munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Sibusiso Moyo