Vashandi veForestry Commission Voyaura neNhamo

Vamwe vashandi vanoti havasi kupiwa mari yavo yakakwana

Vashandi veForestry Commission vanoti vanoda rubatsiro nekuti vave nemakore akawanda vasingapiwe mari dzavo dzakakwana.

Mumwe wevashandi ava, uyo aramba kudomwa nezita, ati anovimba kuti gurukota idzva rezvemari, VaMthuli Ncube, vachavabata zviri nani pane zvavaiitwa nevaimbove gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Mushandi uyu anoti VaChinamasa ndivo vakaita kuti Forestry Commission isave pasi pehurumende muna 2015.

Munyori mukuru we National Employment Council for Lumber Milling, Timber Processing and Trading Industry, VaZakia Tagwirei, vanoti chimwe chakakonzera izvi ndechokuti vashandi ava havasi pasi pesangano rinomirira vashandi.

“Zvave nenguva chaizvo, kusvika kumakore matanhatu vashandi ivava ava vachipihwa mari dziri pasi pedzakatarwa pamutemo,” VaTagwirei vaudza Studio 7. “Havana kumbosvika kwatiri kuzotsvaka rubatsiro. Ndinoona sekuti chinovatadzisa kusvika kusaziva kuti veNational Employment Council inovabatsira kusvika papi…asi tichavabatsira kana vakatiudza.”

Vashandi vakawanda vari mudambudziko iri ndivo vanoita basa recheka matanda vachiatengesa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZakia Tagwirei