Peturu neDhiziri Zvotarisirwa Kutengeswa neMadhora ekuAmerica

A woman walks past a "No Petrol" sign at a fuel station in Harare, Zimbabwe, Oct. 9, 2018.

Boka reZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, rinoti riri kuronga kupa mvumo kune vanotengesa mafuta emotokari kuti vatengese mafuta aya nemadhora ekuAmerica richiti izvi zvinorerutsa mutoro weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, wekutsvaga mari yekunze yekupa makambani aya.

Vakasanobata chinzvimbo chemukuru weZERA, VaEddington Mazambani, vaudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti vanoona sekuti vakaita izvi makambani anotengesa mafuta anokwanisa kuwanawo mari yekuti atenge mafuta aya pachawo asingamirire mari kubva kuRBZ.

VaMazambani vati vakatonyerera kubazi rinoona nezvemhando dzemoto vachikumbira mvumo yekuti vakwanise kuita zvavari kuronga.

Vati pari zvino vakatopa mvumo kukambani yeZUVA Petroleum kuti itengesa peturu nedhiziri nemamadhora ekuAmerica pamagaraji ayo maviri anoti rekuGroombridge nerimwe riri kuVictorai Falls.

Vatiwo kana zvavari kuronga zvikabudirira garaji rega rega rinenge rave kusungirwa kuti rive neimwe pombi inenge ichitegeswa peturu nedhiziri nemari yekuAmerica.

Asi vati peturu nedhiziri zvinenge zvatengwa nemari inobva kuRBZ zvicharamba zvichitengeswa nemari yemuno.

Vati nyaya yekushaikwa kwemari yekunze ndiyo iri kukonzera kushaikwa kwemafuta emotokari uye vati mafuta ese ari kuuya ari kuuya achitengwa izvo zvave kuita kuti magaraji mazhinji agare asina mafuta.

VaCrosely Mashiri vesangano reIndigenous Petroleaum Association of Zimbabwe vaudzawo komiti iyi kuti kutengesa peturu nemari yekuAmerica kunenge kuri kuomemesera varuzhinji.

Vatiwo vanhu vashomana munyika vanowana mari yekuAmerica zvekuti vazhinji havazokwanisi kutenga peturu nemamadhora ekuAmerica.

VaMazambani vatiwo huwandu hwepeturu hwakira zvakanyaya zvekuti pazuva pari kushandisa marita 2.8 million epeturu nemarita 4.2 million edhiziri.

Vatiwo pamwedzi Zimbabwe inoshandisa mafuta anokosha mamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora.

Vamwewo vakaita semumiriri weBuhera West, VaSoul Nzumah, vati vanoona sekuti motokari tsaru dzinotengwa neveruzhinji kubva kuJapan ndidzo dziri kushandisa mafuta zvakanyanyaya uye dzinofanira kurambidzwa kufamba munyika senzira yekuchengetedza mafuta.

Asi VaMashiri vati vanoona sekuti vanhu vakawanda vanoshandisa motokari nekuti hakuna zvekufambisa zvinotakura vanhu vakawanda zvakaita semabhazi kana matireni.

Zvabuda pachena pamusangano wanhasi kuti dambudziko rekushaikwa kwepeturu nedhizhiri richaramba riripo kudzamara nyika yave nemari yekunze yakakwana.

Makambani ekunze mazhinji anotengesera makambani emuno ave kuramba kutengesera makambani aya kana kuupa zvikwereti achiti anofanira kutanga abhadhara zvikwereti zviripo zvave nemakore.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya