Zimbabwe neGermany Dzoronga Kuumba Komisheni Inoona nezveKusimbaradza Hukama

Fisherwomen hang fish on a structure made of bamboo poles to sun-dry them at a fishing colony in Mumbai, India.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakasangana neChipiri negurukota rekuGermany rinoona nezvekudyidzana munyaya dzehupfumi pamwe nebudiriro, VaGerd Muller, vakabvumirana kuumba komisheni ichaone nezvekusimbaradza hukama nekudyidzana pakati penyika mbiri idzi.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wavo, VaChinamasa vakati vafara kushanyirwa naVaMuller. Vakati vatura nyaya dzakawanda dzinosanganisira kudyidzana kwenyika mbiri idzi, chikwereti cheZimbabwe kuGermany, zvirango zvehupfumi pamwe nekuti Zimbabwe itange zvekare kuwana rutsigiro rwemari nehunyanzvi kubva kuGermany.

Vakatiwo vakazeya zvimwe zvingaitwe neZimbabwe kuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo kune dzimwe nyika nemasangano epasi rose pamwe nekuti igadziridze hukama hwayo nenyika dzepasi rose.

VaChinaamasa vakati vakabvumiranawo kushanda pamwe chete panyaya yekudzidzisa vanhu zvidzidzo zvemabasa emaoko kana kuti vocational training nechinangwa chekuti vanhu vakwanise kuzvishandira pamwe nekupinza vamwe mabasa.

Zimbabwe yakatarirwa zvirango zvehupfumi nenyika dzekumavirira dzakaita seAmerica, Australia nenyika dzekuEurope nekuda kwehutongi hwehudzvanyiriri, kutyora kodzeo dzevanhu pamwe nekuita sarudzo dzisina kujeka.

VaMuller vakati vakafara kuuya kuZimbabwe mushure mekunge Zimbabwe yagadza mutungamiriri mutsva zvichitevera sarudzo dzemwedzi wapfuura idzo dzakazosimbiswawo nedare repamusororo munyika.

Vakati zvakakosha kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaite zvakavimbisa kuita zvekuremekedza kodzero dzevanhu kusanganisira mapato anopikisa pamwe nekuremekedza nekutevedza mitongo yematare edzimhosva.

VaMuller vakati Germany nedunhu rese reEurope vanoda runyaro muZimbabwe ndosaka vachida kuti VaMnangagwa vaite zvavakavimbisa.

Vakatiwo Germany inoda kuona hupenyu nehupfumi hwevanhu vekumaruwa huchisimudzirwa ndosaka iri kuda kushanda neZimbabwe mukusimudzira ruzivo rwevanhu pamabasa emaoko.

Vakatiwo Joint Commission yavachaumba neZimbabwe ichazeya zvese zvingaitwe uye kuti Germany ingabatsirei sei vanhu vemuZimbabwe kuti vabudirire.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kunyange hazvo makurukota aVaMnangagwa ari kuramba achiita basa rawo, ari kuita izvi zviri kunze kwemutemo sezvo mutemo uchiti zvigaro zvavo zvinopera panogadzwa mutungamiri wenyika mushure mesarudzopapera.

Izvi zviri mubumbiro remitemo yenyika pasi paSection 108 (1) (c).

VaMnangagwa vakagadzwa kuve mutungamiriri wenyika nesvondo uye havasati vadoma dare remakurukota avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya