Dare remakurukota razeya nyaya yachiremba akapembwa nemusi weMugovera, Dr Peter Magombeyi, uye raita chisungo chekuti mapazi ese ehurumende anoona nezvekuchengetedzwa nekudzvirirwa kwenyika, atsvage kuti chiremba ava vari kupi.
Izvi zvaziviswa nevakasanobata chinzvimbo chemugurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKazembe Kazembe, avo vati vese vane chavanoziva nenyaya iyi vanofanira kuenda nehumbo kumapurisa.
Izvi zvatsinhirwawo negurukota rinoona nezvevasori, VaOwen Ncube, avo vati hurumende inoshushikana kuti nyaya yekuti vanhu vanonzi vapambwa panennge pave kuda kuitwa misangano yakakosha.
Gurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavhima, vati vanhu vanofanira kupa hurumende nguva yekuita ongororo vachiti pari zvino zvave kuita sekuti hurumende inoziva kuti Dr Magombeyi vari kupi.
Vana chiremba vemuzvipatara zvese munyika vave kuramwa mabasa vachiti Dr Magamboyi ngavadzorwe vasati vadzokera kumabasa.
Gurukota rezvehutano, Dr Obadiaha Moyo, vati vanoshushikana zvikuru kuti vashandi vave vashoma muzvipatara uye vati vave kubatsira nemapurisa nemasoja.
Dr Magombeyi, avo vanove vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, vakapambwa nemusi weMugovera usiku nevanhu vatatu sekutaura kwavakaita panguva yavakapambwa.
Vasati vapambwa, Dr Magombeyi vakaudza vamwe vavo kuti vari kugara vakatyityidzirwa nevanhu vanogara vachivatumira mashoko panharembozva yavo.
Pava nevanhu vanodarika makumi mashanu vapambwa kubva kutanga kwegore rino.
Vanhu ava vanosanganisira mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaOrbert Masaraure, pamwe nevarwiri vekodzero dzavanhu vanosanganisira VaTinashe Mombeyarara nevamwe.
Zvichakadai, dare remakurukota rawedzerawo mari dzinotambirwa nevashandi vemudzimba richiti vanhu vanofanira kubhadhara vashandi mari dzinoenderana nemamiriro aita zvinhu munyika.
Mari yemushandi wemumba yepasi pasi yave zana nemakumi matanhatu emadhora pamwedzi.