Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, Va July Moyo, vakaumba komiti yekuti iferefete kanzuru yeguta reGweru.
Komiti iyi yakadomwa mwedzi wapera, uye ine vanhu vanomwe, sachigaro wayo ari mumwe mukuru mubazi rekutongwa kwematunhu, vangonzi VaJ. Chinyengetere.
VaMoyo vakagadzawo mumwe mushandi mubazi ravo, Amai J. Nyamutenha, semunhu achange achinyora zvose zvichange zvichiitwa nechikwata ichi.
Vamwe vari muchikwata ichi ndiMuzvare E. E. Veremu, VaC. Mudavanhu, VaC. Mpengesi, VaA. Nhamo naVaE. Gundumura.
Izvi zvakaitwa mazuva mashoma mushure mekunge kanzuru yeGweru yambomisa basa munyori weguta, Amai Elizabeth Gwatipedza, ichivapomera mhosva yekuita huori pamwe nekutadza kuita basa ravo sezvinotarisirwa.
Studio7 yaedza kufonera Va Moyo kuti tinzwe divi ravo, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Hatinawo kukwanisa kunzwa divi ra Amai Gwatipedza, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.
Mugwaro ravo ravakatumira kuchikwata chiri kuferefeta kanzuru yeGweru musi wa 22 Gumiguru 2019, VaMoyo vanoti komiti iyo ichaferefeta kanzuru yeGweru, ichabatata nyaya dzakawanda, kusanganisirawo zvakaitika kusvika pakuti Amai Gwatipedza vambomiswa basa.
Meya weGweru, Va Josiah Makombe, vanoti ichokwadi kuti pane chikwata chakadomwa naVaMoyo kuti chiferefete zviri kuitika mukanzuru yavo.
VaMakombe vanoti vakaziviswa naVaMoyo nezvechikwata ichi uye vanotambira zvakaitwa naVaMoyo sezvo vakatevedza mutemo.
Asi vanoti komiti yakadomwa iyi inofanirwa kuita basa rayo ichitevedza mitemo yenyika pasina nyaya dzekupumhana huroyi.
pakombomiswa basa kwakaitwa Amai Gwatipedza, VaMakombe vanoti kanzuru yavo yakaita ongororo zviri pamutemo pakaonekwa kuti munyori weguta aikundikana kuita basa rake sezvinotarisirwa.
Chimwe chiri kukushushikana naVaMakombe inyaya yekuti chikwata chakadomwa naVaMoyo chiri kuita basa racho panguva iyo kanzuru yavo iri kuferefetawo zvakapa kuti Amai Gwatipedza vaombomiswa basa, izvo vanoti zvinogona kuvhiringwa nechikwata chiri kuferefetawo kanzuru yavo.
"Kana kanzura achidiwa nekomiti yaVaMoyo, ukuwo achidiwa kuti ape humbowo kukomiti yekanzuru yedu panoitwa seyi? Zvinoreva kuti zviri kuitwa nekanzuru zvinotombomiswa kuitira kuti munhu uyu amire pamberi pechikwata ichi. Zvinodzosera shure basa redu," vadaro VaMakombe.
Your browser doesn’t support HTML5