Varairidzi Voita Mumwe Musangano neSvondo neHurumende

Takavafira Zhou

Hurumende iri kusangana zvakare neSvondo nemasangano evarairidzi pachitsvagwa nzira dzekuti varairidzi vadzokere kumabasa.

Musangano uyu unotevera musangano wechimbi chimbi wakaitwa neChishanu manheru pakati pemasangano evarairidzi nehurumende, asi ukasabuda nechinhu chakati tsvikiti.

Varairidzi vakatanga kuratidzira musi waKukadzi 5, 2019 mushure mekunge vazivisa hurumende mukati menguva yakatarwa nemitemo kuzivisa mushandirwi nezvekuramwa mabasa.

Musangano wakaitwa Chishanu manheru unonzi wakapindwa negurukota rezvedzidzo yepasi, VaPaul Mavima, pamwe nevamiriri vePublic Service Commission.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMavima, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mutungamiri we Progressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yaruretsira hupenyu hwevarairidzi sezvo vari kutambura.

VaZhou vanoti pane zvimwe zvinofanirwa kuitwa nevarairidzi zvisingade mari zvakaita sekuwanira vadzidzisi masitendi ekuvaka dzimba dzavo, uye kuti vana vevadzidzisi vasabhadhariswe mari dzedzidzo muzvikoro zvehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTakavafira Zhou