Hurumende Inobvisa Mauto Anochengetedza VaMugabe?

VaPatrick Zhuwao

Mashoko atiri kutambira anoti hurumende yabvisa mauto anochengetedza pamba pevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe kuBlue Roof, kuBorrowdale.

Izvi zvinotevera mashoko aVaMugabe kuvatori venhau ekuti havasi kuzotsigira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo dzanhasi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemauto, VaAlphios Makotore, kuti tinzwe dii ravo.

Hatinawo kubata mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba.

Muzukuru waVaMugabe uye vaimbove gurukota muhurumende yavo, VaPatrick Zhuwao, vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti mauto ange achichengetedza VaMugabe abviswa.

“Mukuru we ‘security’ yange ichichengetedza Baba VaMugabe asvika pamba ndokubva asiya makiyi achiti vaudzwa nevakuru vavo kuti vachibva ipapo vachitaura kuti chikonzero chacho ndechekuti vaMugabe vataura nevatapi venhau vachitsanangura kuti vachafanba sei nhasi pavanenge vachienda kusarudzo,” VaZhuwao vaudza Studio7.

Vachitaura nevatori venhau neSvondo, VaMugabe vakati vachavhotera munhu ari kutsigirwa nevanhu vazhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Zhuwao