Hurumende yakazivisa zviri pamutemo nemusi weChipiri kuti yachinja mamwe mazwi ari mumutemo, kana kuti Statutory Instrument 50 yegore ra2021, pamusoro pesora rinorimwa munzvimbo yeChilonga kuChiredzi.
Pange pakanyorwa kuti ‘panorimwa sora remombe’, pave kunzi ‘pachaitwa chirongwa chekurima zvinodiridzirwa’, kana kuti ‘irrigation’.
Hurumende yakazivisa zviri pamutemo mwedzi wapera kuti vagari vanodarika zviuru gumi nezviviri, vari munzvimbo yeChilonga, vabve munzvimbo iyi, kuitira kuti kambani ye Dendiary ishandise minda iyi semafuro emombe dzayo dzemukaka.
Dare redzimhosva rakambomisa hurumende kuti isabvisa vanhu ava mumisha yavo asi rinotarisirwa kupa mutongo waro nemusi weChishanu svondo rino.
Kunyange hazvo mutemo uyu wachinjwa zvishoma, chinangwa chehurumende chekuti vamwe vagari vekuChilonga vabve mumisha yavo chasiiwa chakadaro.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, iro rakazivisa kuti rapinda munyaya iyi richimirira vanhu vekuChilonga, rinoti kuchinjwa kwemazwi ari mugwaro iri hakuna zvakunobatsira vanhu vekuChilonga.
Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti sangano ravo nemamwe masangano ari kuedza kubatsira vagari vekuChilonga, havasi kudzokera shure, vachiti mitemo yose inofanirwa kutevedzerwa, uye havaoni chikonzero chekuti vanhu vabviswe mumisha yavo.
Your browser doesn’t support HTML5