Hurumende yazivisa kuti vana vanogara pazvikoro pavanodzidza, kana kuti ‘boarding schools’, vasaenda kumisha yavo pazororo re Easter, svondo rino.
Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio7 kuti izvi zvakabvumiranwa nemakurukota edare rehurumende nezuro, Chipiri, vachiti inzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19.
VaNdoro vati vabereki nevadzidzisi vanobvumiranavo kuti vana vechikoro ava vagare pazvikoro zvavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti hurumende yaita zvakanaka kuti vana vanogara pazvikoro pavanodzidzira vasaenda kumisha yavo pazororo iri.
Asi VaMasaraure vati zvirinani deno hurumende ichimbotora nguva yekukurukura ne varairidzipamusoro pezvirongwa zvakadai, kwete kuti varairidzi vangozvinzwa zvave kutaurwa pamaredhiyo.
VaMasaraure vati kurambidzwa kuenda kumisha kwevadzidzi chinhu chakakanaka sezvo kudzoka kwavo kuchikoro kwaizonetsa sezvo mumwe nemumwe wavo achifanirwa kuvhenekwa pakudzoka.
Your browser doesn’t support HTML5