Hurumende IYosimbaradza Kuti ZUPCO Ndiyo Yega Ine Mvumo Yekutakura Vanhu

Mabhazi eZupco

Mutevedzeri wegurukota Amai Marian Chombo vanoti kambani yemabhazi, yeZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) ndiyo yega yakapihwa mvumo yekutakura vanhu mumaguta.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwevanhu vakawanda munyika nerimwe sangano rinomirira vanotakura vanhu nezvinhu, reZimbabwe Union of Drivers and Conductors (ZUDCO) kuti kambani yeZUPCO yaremerwa nemutoro.

Mutungamiri weZUDCO, VaFredrick Maguramhinga, vanoti hurumende haisi kuda kunzwa zvichemo zvevanhu vari kunetseka nekushaya zvinovatakura kuenda nekudzoka kumabasa.

VaMaguramhinga vanoti sangano ravo ririkuramba richikumbira hurumende kuti iite musangano nevanotakura vanhu kuti zvinonetsa mativi ose zvikurukurwe uye kuti hurumende ikwanise kubatsira mukugadziriswa kwedambudziko iri sezvainofanirwa kuita.

Vachipindura chikumbiro cheZUDCO ichi , Amai MaChombo, vanoti kana hurumende yatura gwara nemutemo hazvigoni kungozvisendeka parutivi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Marian Chombo