Kanzuru yeguta reGweru yonetsana nevagari vayo avo vari kuti kanzuru iri kuramba kuderedza mitero yakakwidzwa mushure mekutambirwa kwebhajeti yegore rino vachiti mitero iyi yakanyanya kukwira zvekuti havagoni kuibhadhara.
Mutungamiri wesangano reGweru Residents and Ratepayers Association rinove rimwe remasangano anomirira vagari muGweru, VaCornelia Selipiwe, vanoti vakanyorera kanzuru tsamba mushure mekunge yakwidza mitero kutanga mumwedzi waKukadzi, vachikumbira kuti idzikise mitero iyi.
VaSelipiwe vanoti mitero yakawanda yakakwidzwa nezvikamu zvinosvika
mazana mana kubva muzana, vachiti vakaedza kuonesa kanzuru kuti
veruzhinji havakwanise kubhadhara mitero iyi asi kanzuru yakaramba
kutambira chikumbiro chavo.
Mutungamiri weGweru Residents Forum, rimwewo sangano rinomirira vagari, VaCharles Mazorodze, vanoti sangano ravo richishanda nemamwe masangano, riri kuedza kuramba richiita nhaurirano nekanzuru vachiti havawone zvichibatsira kuti kanzuru irambe kutambira zvichemo zvevagari.
Munyori wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Amai Nozipho Muzondo, vanoti kanzuru inofanirwa kunzwisisa kuti veruzhinji vakaomerwa nehupenyu. Vanoti zviri nani kuti ibhadharise
mitero isina kunyanyokwira kuitira kuti vagari vakwanise kubhadhara, pane kuti vatadze zvachose.
Meya weguta reGweru VaJosiah Makombe, vabvuma kuti vagari vakaita
chikumbiro chekuti kanzuru ideredze mitero asi vati kanzuru haizi
kukwanisa kuita izvi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana
zvinosanganisira kuti kanzuru payakaita bhajeti yakaunza mitero iripo,
yaive yanzwa pfungwa dzevagari.
VaMakombe, avo vanovewo mukuru wesangano reUrban Councils Association of Zimbabwe, vanoti pamutemo hazvigoni kuti kanzuru ichinje bhajeti yainenge yaita kunze kwekutoita imwe bhajeti.
Asi vanoti kanzuru yavo yakazvipira kuona kuti vagari vabhadhare mitero yakaringana.
Vagari vemumakanzuru emumaguta nemadhorobha akasiyana-siyana munyika vari kuchema-chema nenyaya yemitero yakakwira uye mamwe madhorobha akaita seMutare akadzikisa mitero yawo mushure mekuchema-chema kwevagari.
VaSesel Zvidzai avo vakambove meya weguta reGweru uye vari munyori
wezvekutongwa kwematunhu mubato reMDC Alliance, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakanyora gwaro kumakanzuru emumaguta nemadhorobha
arinotungamira munyika richiakurudzira kuti adzikise mitero nezvikamu
makumi matatu kubva muzana, vachiti mamwe makanzuru ari kutoita izvi.
Vati chikonzero chikuru chiri kukonzera nyaya yekukwira kwemitero
kusagadzikana kwezvehupfumi munyika vachitiwo hurumende haifanirwe
kurambidza makanzuru kuderedza mitero.
Tatadza kunzwa kubva kugurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, sezvo nharembozha yavo yange isingabatike.
Mutevedzeri wavo, Amai Marian Chombo, vange vavimbisa kupindura mibvunzo yedu asi vange vasati vaita izvi panguva yekuenda pamhepo.
Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro soro zvehupfumi nebudiriro pane chimwe chikoro, VaVincent Chakunda, vanoti makanzuru munyika ari parumananzombe panyaya dzemabhajeti nekutara mitero yakafanira nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu kunoramba kuchiitika uyewo nekuda kwekuti zvimwe zvinoshandiswa namakanzuru zvinotengeswa namari yekunze.
Zvichakadaro, VaMakombe vanoti vanofara zvikuru kuti danho rakatorwa
nekanzuru rekuti iendese mabasa ekubhadaharisa mitero yekupaka
motokari mudhorobha kukambani yakazvimirira yega riri kufamba
zvakanaka.
Kanzuru payakazivisa nezvedanho iri vagari vakarishora zvikuru vachiti
raizoita kuti kanzuru irasikirwe nemari yakawanda asi VaMakombe vanoti
zviri kutoratidza kuti kanzuru yave kuwana mari yakawanda.
Panyaya yekuti hurumende yakapa kanzuru yeguta reGweru madhora mamiriyoni gumi nerimwe emabasa ebudiriro pasi pechirongwa chekuendesa masimba kumatunhu kana kuti devolution, VaMakombe vati kanzuru haisati yatambira mari iyi asi vanotarisira kuti ichauya sezvo zviri izvo zvakafanira pasi pebumbiro remitemo yenyika.
Your browser doesn’t support HTML5