Meya VeHarare Vanoyambira Nhengo DzeParamende Pamusoro Pekushomeka Kwemvura Muguta

Meya veHarare, VaHerbert Gomba

Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kushomeka kwemvura muguta re Harare kwazosvika pasisina kunaka zvekuti vanhu vese vanofanirwa kuisa misoro pamwe chete kugadzirisa dambudziko iri.

VaGomba vayambira nhengo dzeparamende kuti dzimborega zvekutukana kwavanogara vachiita muparamende vashande pamwe chete kugadzirisa dambudziko remvura muHarare.

VaGomba vati nhengo dzeparamende dzinogona kugadzirisa zvinhu kana dzikabvumirana kuti hapana bhajeti rinofanirwa kutambirwa kana risina mari yekuvaka madhamu emvura kana mari yekuvakidzira aripo acho kuti abate mvura zhinji pane yaari kubata ikozvino.

VaGomba vanoti mukuedza kwavo kugadzirisa nyaya iyi, vari kuronga kuti vasheedze musangano mukuru pakati pehurumende, mainjiniya, nhengo dzeparamende neavo vese vangabatsira panyaya iyi, pamwe chete nemakurukota ehurumende kuti dambudziko iri rizeyewe zvakakwana uye kuti pawanikwe gwara nekuti vanhu veHarare vaita moyo murefu naizvozvo vanofanira kubatsirwa nekubviswa kwedambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHerbert Gomba