Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yeguta ravo ine hurongwa hwakawanda hwekusimudzira guta mugore rinouya ra 2020, kuburikidza nekuita zvirongwa zvakasiyanasiyana.
VaGomba, avo vanova zvakare kanzura veGlen Norah, vanoti kanzuru yavo yakasunga kuti mugore riri kuuya iri ichakwereta mari yakawanda yekuti ivake zvikoro zvepasi munzvimbo nhatu, kugadziridza migwagwa yemukati meguta nekuvaka zvimbuzi zvitsva pamwe nekuwanisa vagari mvura yakachena.
Meya vanoti mari yavachakwereta vachaidzosera vachishandisa mari iri kubva kukambani yekanzuru yeCity Parking.
Vanoti zvikoro zvavachavaka zvitatu zvinenge zviri zvepasi, sezvo vasingabvumidzwe nehurumende kuvaka zvikoro zvepamusoro, kana kuti secondary.
VaGomba vanoti vachaisa zvikoro zviviri kuKuwadzana neBudiriro, vachizoisawo chimwe chete kuHopley.
Vanotiwo mugore riri kuuya iri kanzuru yeHarare ichaendesawo mberi hurongwa hwekutarisa vanhu vakazvigarisa munzvimbo dzisina kutarwa nekanzuru, vanenge vasingakodzeri kuramba vari munzvimbo idzi vachibva vabviswa, vanokodzera kuramba varipo vachigariswa zvakarongeka.
Your browser doesn’t support HTML5