Zvichitevera kusungwa kwenhengo dzeparamende dzebato rinopikisa reMDC, gurukota reBritain rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica, Amai Harriet Baldwin, vakaburitsa mashoko ekuti hurumende yeZimbabwe inosungirwa kutevedzera mutemo uye kuchengetedza kodzero dzevanhu.
Vachinyora padandemutande ravo reTwitter nhasi, Amai Baldwin vati hurumende yavo icharamba yakatarisa zviri kuitika muZimbabwe, zvikuru sei kuti mhosva dziri kupomerwa nhengo dzeparamende nevarwiri vekodzero dzevanhu dziri kufambiswa sei.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti zvinovafadza kuti vekunze vave kuzvionawo zvavagara vachitaura nguva refu kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Vatizve haisi nyaya yekushungurudzwa kweve zvematongerwo enyika bedzi asi kwevanhu vazhinji, vanosanganisira vana vadiki nevanorwira kodzero dzevanhu.
“Hazvimbodi kuti tiudzwe neumwe munhu, zvinhu zvatiri kuona. Zvinhu zvatiri kugara nazvo.” VaMafunda vakaudza Studio 7.
VaMafunda vakaenderera mberi vachiti “Vana veZimbabwe vayaura, vana veZimbabwe varikuchema. Havana kutanga kuchema nhasi. Vakatanga kuchema kubva kare.”
Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vakaudza Studio 7 kutanga kwesvondo rino kuti nhengo dzeparamende dzebato ravo dzine nyaya dzavari kupomwerwa dzichiendeswa kumatare dzave kudarika gumi.
Mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joanna Mamombe, vakavharirwa kuChikurubi Remand kusvika musi wa 19 Kurume apo pachazotongwa nyaya yavari kupomerwa yekuti vakakurudzira vanhu kubvisa hurumende pachigaro nenzira dzisiri pamutemo. Asi vari kuramba nyaya iyi.
Magweta aMuzvare Mamombe nhasi asvitsa chichemo chayo kudare repamusoro kuti Muzvare Mamombe vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Nyaya iyi ichanzwikwa nemusi weChishanu. Nezuro imwezve nhengo yeMDC inomiririra Chitungwiza North muparamende, VaGodrey Sithole, vakabudiswa muchitokisi mavange mushure mekubvisiswa mari yachibatiso.
Nezuro zvekare, imwezve nhengo yeMDC inomirirra Kuwadzana East, VaCharlton Hwende vakasungwa uye vanzi vadzoke kudare musi wa 20 Kurume.
VaMafunda vaudza Studio 7 kuti havasi vezvematongerwa enyika chete vari kushungurudzwa asi vana vari pasi pemakore gumi nematanhatu vakambosungwawo.
Your browser doesn’t support HTML5